bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 2
Romans 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotoŋga ʋamŋe; nokuti pacinhu ico caunotoŋga mumŋe naco, unoɀipa mhoȿa iwe, nokuti iwe, unotoŋga, unoita ɀinhu iɀoɀo.
2
Tinoziʋa kuti kutoŋga kwaMŋari ndokwaɀokwaɗi kunaʋanoita ɀinhu ɀakaɗai.
3
Iwe munhu, unotoŋga ʋamŋe ʋanoita ɀinhu ɀakaɗai, iwe uciɀiita ʋo, ko unoti uŋgatiza kutoŋga kwaMŋari here?
4
Unoɀidza kanhi fuma yoʋunyoro bgake, nomŋoyo wake munyoro, nomŋoyo wake murefu, usiŋgaziʋi here kuti ʋunyoro bgaMŋari bgunokuisa pakutendeʋuka?
5
Asi noʋukukutu bgako, nomŋoyo usiŋgaɗi kutendeʋuka, unoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa nezuʋa rokutsamŋa, nokuratidzwa kwokutoŋga kwakarurama kwaMŋari;
6
iye ucapa mumŋe nomumŋe paakaita napo:
7
Ʋanotȿaka kubginya, nokukudzwa, nokusafa, ʋacitsuŋgirira pakuita ɀakanaka, ucaʋapa ʋupenyu bgusiŋgaperi.
8
Asi kunaʋanenharo, ʋasiŋgatereri ɀokwaɗi, ʋanoterera ɀisakarurama, kucaʋa’po kutsamŋa nehasha,
9
nokutambudzika nenhamo kumŋeya mumŋe nomumŋe womunhu unoita ɀakaipa, pakutaŋga womuJuda, nowomuGiriki;
10
asi kubginya, nokukudzwa, norugare kunomumŋe nomumŋe unoita ɀakanaka, kumuJuda pakutaŋga, nomuGiriki ʋo.
11
Nokuti Mŋari haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu.
12
Nokuti ʋose ʋakatadza ʋasinomurairo, ʋacaparadzwa ʋo ʋasinomurairo; ʋose ʋakatadza ʋanomurairo, ʋacatoŋgwa nomurairo;
13
nokuti ʋanzwi ʋomurairo haʋazi iʋo ʋakarurama pamberi paMŋari, asi ʋaiti ʋomurairo ndiʋo ʋanoruramiswa;
14
(nokuti kana ʋahedeni ʋasinomurairo ʋaciita pacaʋo ɀinhu ɀomurairo, ʋaʋa murairo waʋo ʋamene;
15
nokuti ʋanoratidza ɓasa romurairo wakanyorwa mumŋoyo yaʋo, hana yaʋo icipupura pamŋe cete naɀo, neɀaʋanofuŋga pakati paʋo ɀiciʋapa mhoȿa kana kuʋapembedza;)
16
nezuʋa iro, Mŋari raanozotoŋga naro ɀakaʋanzika ɀaʋanhu, naJesu Kristu, seɀinoreʋa Evaŋgeri yaŋgu.
17
Ɀino kana iwe unonzi muJuda, unoʋimba nomurairo, unoɀirumbidza munaMŋari,
18
unoziʋa kuɗa kwake, nokutsaura kuti ɀakanaka ndeɀipi, ucidzidziswa nomurairo,
19
unoɀiti iwe uri mutuŋgamiriri wamapofu, ne ciedza caʋari murima,
20
nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi waʋacece, ɀaunomufananidzo wokuziʋa noweɀokwaɗi pamurairo;
21
ɀino iwe unodzidzisa mumŋe, unoregereiko kuɀidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuɓa, unoɓireiko iwe?
22
Iwe unoti munhu arege kuita ʋupombge, unoitireiko ʋupombge iwe? Iwe unosema ɀifananidzo, unoɓireiko iwe tembere dzaʋo?
23
Iwe unoɀirumbidza nomurairo, unoshoʋora Mŋari nokuɗarika murairo neiko?
24
Nokuti, seɀaɀakanyorwa, zita raMŋari rinomhurwa pakati paʋahedeni nokuɗa kwenyu.
25
Nokuti kudziŋgiswa kunoɓatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri muɗariki womurairo, kudziŋgiswa kwako kwaʋa kusadziŋgiswa.
26
Ɀino, kana iye usina‐kudziŋgiswa aciceŋgeta ɀireʋo ɀomurairo, ko kusadziŋgiswa kwake hakuŋganzi kudziŋgiswa here?
27
Nousina‐kudziŋgiswa kubva pakuɀarwa kwake, kana aciceŋgeta murairo, haaŋgakutoŋgi here iwe unoɗarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, ʋuye ʋo kudziŋgiswa?
28
Nokuti uyo haazi muJuda, uri muJuda pakuʋonekwa cete; nokudziŋgiswa hakuzi iko kunoʋonekwa, kuri panyama;
29
asi muJuda ndiye uri muJuda necomukati; nokudziŋgiswa ndiko kwomŋoyo, mumŋeya, kusati kuri kweɀakanyorwa; iye haarumbidzwi naʋanhu, asi naMŋari.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16