bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 10
1 Corinthians 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, uye kuti vose vakayambuka gungwa;
2
vose vakabhabhatidzwa muna Mosesi mugore nomugungwa;
3
vose vakadya zvokudya zvimwe zvomweya;
4
vose vakanwa zvokunwa zvimwe zvomweya; nokuti vakanwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu.
5
Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje.
6
Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo.
7
Imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakamuka kuti vatambe.”
8
Zvino ngatirege kuita upombwe, savamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe vane zviuru zvina makumi maviri nezvitatu.
9
Ngatirege kuedza Ishe, savamwe vavo vakamuedza, vakaparadzwa nenyoka.
10
Murege kugunun'una savamwe vavo vakagun'una, vakaparadzwa nomuparadzi.
11
Zvino, izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, tikasvikirwa nokuguma kwenyika.
12
Naizvozvo, anoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.
13
Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwechete nomuedzo, iye achakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.
14
Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
15
Ndinotaura sokuna vakachenjera; fungai zvandinotaura.
16
Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?
17
Zvachiri chingwa chimwechete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
18
Tarirai vaIsiraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?
19
Zvino ndotiiko? Kuti chinobayirwa zvifananidzo chinhu here, kana chifananidzo chinhu here?
20
Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayiri Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa.
21
Hamunganwiri mumukombe waIshe, nomumukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaIshe napatafura yemweya yakaipa.
22
Ko tinoda kumutsa godo raIshe here? Tinomukunda nesimba here?
23
“Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri.” “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.”
24
Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.
25
Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana;
26
nokuti nyika ndeyaIshe nokuzara kwayo.
27
Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana.
28
Asi kana mumwe akati kwamuri, “Ichi chakabayirwa zvifananidzo,” regai kudya nokuda kwaiye akakuratidzai, uye nokuda kwehana;
29
handirevi hana yako, asi yomumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe?
30
Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?
31
Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe.
32
Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari.
33
Seniwo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16