bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 11
1 Corinthians 11
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu.
2
Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo.
3
Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu; uye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari.
4
Murume mumwe nomumwe, anonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake.
5
Asi mukadzi mumwe nomumwe, anonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuveurwa.
6
Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakewo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana aveurwe, ngaafukidzwe.
7
Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya kwomurume.
8
Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi anobva kumurume;
9
uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi akasikirwa murume;
10
nokuda kwaizvozvo mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa.
11
Kunyange zvakadaro muna Ishe mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.
12
Nokuti mukadzi seanobva kumurume, nokudarowo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kuna Mwari.
13
Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa here?
14
Ko hamudzidziswi naiwo musikirwo wavanhu kuti kana murume ane vhudzi refu, anonyadziswa nazvo here?
15
Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti akapiwa vhudzi rake chive chifukidzo.
16
Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatina tsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari.
17
Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa.
18
Nokuti shoko rokutanga, kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo.
19
Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
20
Zvino kana muchiungana pamwechete, hakuzi kuti mudye chirariro chaIshe;
21
nokuti kana modya, mumwe nomumwe anotangira vamwe kudya chirariro chake; mumwe ane nzara, mumwe anodhakwa.
22
Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii.
23
Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa;
24
akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”
25
Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.”
26
Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya.
27
Naizvozvo mumwe nomumwe anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe, nomutoo usina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raIshe.
28
Zvino munhu ngaazviedze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu.
29
Nokuti anodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waIshe, anozvidyira nokuzvinwira kurohwa.
30
Nemaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasina simba, vanorwara; vazhinji vavete.
31
Nokuti dai taizviedza isu timene, hatizairohwa.
32
Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naIshe, kuti tirege kutongerwa kuraswa pamwechete nenyika.
33
Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiunganira pakudya, miriranai.
34
Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16