bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 2
1 Corinthians 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Zvino ini, hama dzangu, pakuuya kwangu kwamuri, handina kuuya ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwouchenjeri.
2
Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu iye akaroverwa pamuchinjikwa.
3
Ndakanga ndiri pakati penyu noutera, nokutya, nokudedera kukuru,
4
neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ouchenjeri; asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba;
5
kuti kutenda kwenyu kurege kuva muuchenjeri hwavanhu, asi musimba raMwari.
6
Zvino tinotaura uchenjeri pakati pavakakura; asi uchenjeri husati huri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vanoshayiswa simba.
7
Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, hwakafukidzwa, hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo;
8
husina kuzikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaihuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.
9
Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.”
10
Nokuti Mwari akazviratidza izvo kwatiri isu naMweya; nokuti Mweya anonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.
11
Nokuti munhu ndoupiko anoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? Saizvozvo hukuna munhu anoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.
12
Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.
13
Ndizvo zvatinotaurawo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwomunhu, asi anodzidziswa naMweya; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya.
14
Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa naMweya.
15
Asi ari woMweya anonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.
16
Nokuti, “Ndianiko akaziva murangariro waIshe, kuti amudzidzise?” Asi isu tinomurangariro waKristu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16