bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 12
1 Corinthians 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi.
2
Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa.
3
Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu anotaura naMweya waMwari, angati, “Jesu ngaatukwe!” Uye, hakuna munhu angati, “Jesu ndiye Ishe, asi naMweya Mutsvene.”
4
Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe.
5
Marudzi mazhinji okushumira aripo, asi Ishe mumwe.
6
Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye anobata zvose muna vose.
7
Asi mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe.
8
Nokuti mumwe anopiwa naMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva naMweya iwoyu;
9
mumwe, kutenda muMweya iwoyu; mumwe, zvipo zvokuporesa muMweya iwoyu;
10
mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe; kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi;
11
asi izvi zvose zvinoitwa naMweya iwoyu mumwechete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.
12
Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu.
13
Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.
14
Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.
15
Kana rutsoka rukati, “Zvandisati ndiri ruoko, handizi womuviri;” ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here?
16
Nenzeve kana ikati, “Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri;” ko haizi yomuviri here?
17
Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko?
18
Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada.
19
Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko?
20
Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe.
21
Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.”
22
Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,
23
nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuurisa;
24
asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari akabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka;
25
kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.
26
Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo.
27
Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo.
28
Mwari akaisa vamwe pakereke, pakutanga vapostori, vechipiri vaporofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri, navabati, namarudzi mazhinji endimi.
29
Vose vapostori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here?
30
Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
31
Asi shingairirai zvipo zvikuru. Ndinokuratidzaiwo nzira yakaisvonaka inopfuura dzose.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16