bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 8
1 Corinthians 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
1
Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunouyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa.
2
Kana munhu achiti, “Ndinoziva chinhu,” agere kutongoziva sezvaakafanira kuziva.
3
Asi kana munhu achida Mwari, iye anozikanwa naye.
4
Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna mumwe Mwari, asi iye mumwechete.
5
Nokuti kunyange varipo vanonzi “Vamwari,” kana kudenga kana panyika; sezvavaripo “Vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;”
6
asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; uye Ishe mumwe, Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.
7
Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisina simba, inoshatiswa.
8
Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kuna Mwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi, kana tichidya, hatinatswi.
9
Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba.
10
Nokuti kana mumwe achikuona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutemberi yechifananidzo, ko hana yaiyeye asina simba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?
11
Nokuti nokuziva kwako uyo asina simba anoparadzwa, iri hama yakafirwawo naKristu.
12
Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isina simba munotadzira Kristu.
13
Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16