bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 9
1 Corinthians 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
1
Handizi wakasununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu muna Ishe here?
2
Kana ndisati ndiri mupostori kuna vamwe, kunyange zvakadaro zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chohupostori hwangu muna Ishe.
3
Kuzvidavirira kwangu kuna ivo vanonditonga ndikoku:
4
Hatina simba rokudya nokunwa here?
5
Hatina simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vapostori navanun'una vaIshe, naKefasi here?
6
Ko ini ndoga naBhanabhasi hatina simba rokurega kubata basa here?
7
Ndianiko angandorwa achizviripira mubayiro? Ndianiko anorima munda wemidzambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko anofudza boka, akasadya mukaka weboka?
8
Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here? Ko murayiro haurevi saizvozvowo here?
9
Nokuti pamurayiro waMosesi pakanyorwa, pachiti, “Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.” Ko Mwari ane hanya nenzombe here?
10
Kana anoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti anorima anofanira kurima netariro; noanopura, achitarira kuti uchagoverwawo.
11
Kana isu takakudyarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
12
Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba iro; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Vhangeri yaKristu.
13
Hamuzivi here kuti vanoshumira pazvinhu zvitsvene, vanodya zvetemberi? Uye kuti vanobata basa paaritari, vanogovana nearitari here?
14
Saizvozvowo Ishe wakarayira kuti vanoparidza Vhangeri, vararame neVhangeri.
15
Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zviri nani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.
16
Nokuti kana ndichiparidza Vhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Vhangeri.
17
Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndino mubayiro; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu utariri.
18
Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza Vhangeri, ndivigire vanhu Vhangeri vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reVhangeri.
19
Nokuti kunyange ndakasununguka kuna vose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
20
KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurayiro, kunyange ndisati ndiri pasi pomurayiro hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurayiro;
21
kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro, kunyange ndisati ndiri munhu asina murayiro waMwari, asi pasi pomurayiro waKristu, kuti ndiwane vasina murayiro.
22
Kuna vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.
23
Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweVhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwechete navamwe.
24
Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwechete anopiwa mubayiro? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
25
Mumwe nomumwe, anoshingaira pakutamba, anozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori.
26
Zvino ini handimhanyi somunhu asingazivi; handirwi somunhu anorova mhepo;
27
asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva akaraswa ndimene.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16