bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 4
1 Corinthians 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Munhu upi noupi ngaatirangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu, vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2
Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka.
3
Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene.
4
Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi anonditonga ndiye Ishe.
5
Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomwoyo; ipapo munhu mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.
6
Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuura izvo zvakanyorwa, kuti, “Mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.”
7
Nokuti ndianiko akakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?
8
Matoguta, matopfuma, mabata ushe kunze kwedu; dai maibata ushe hwenyu, kuti isu tibatewo pamwechete nemi.
9
Nokuti ndinoti Mwari akatigadza isu vapostori pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu.
10
Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera muna Kristu; isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
11
Kusvikira nguva ino isu tine nzara, tine nyota, hatina chatingafuka, tinorohwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara;
12
tinotambudzika, tichibata namaoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga mwoyo;
13
kana tichipomerwa mhosva, tinovarayidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
14
Handikunyoreri zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurayirei savana vangu vanodikanwa.
15
Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vane zviuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu ini ndakakuberekai neVhangeri.
16
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu.
17
Nemhaka iyi ndakatuma Timoti kwamuri, mwana wangu anodikanwa, akatendeka muna Ishe; iye achakuyeudzai mitoo yangu iri muna Kristu Jesu, sezvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
18
Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti ndinenge handiuyi kwamuri.
19
Ndichakurumidza kuuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo.
20
Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pamashoko, asi pasimba.
21
Munotsvakeiko? Ndiuye kwamuri neshamu, kana norudo nomweya wounyoro here?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16