bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 6
1 Corinthians 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Ko kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga kumukwirira kuna vasakarurama, akasamukwirira kuna vatsvene here?
2
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?
3
Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvoupenyu huno!
4
Zvino kana mune mhosva dzoupenyu huno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge?
5
Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna akachenjera pakati penyu angagona kutonga pakati pehama nehama yake here?
6
Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here?
7
Zvino matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?
8
Asi imi munoita zvisakarurama, munonyengera, muchizviitira hama.
9
Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarasika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanopfeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,
10
kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari.
11
Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raIshe Jesu Kristu, nomweya waMwari wedu.
12
Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe.
13
Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari achaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi woupombwe, asi ndowaIshe; naIshe ndowomuviri;
14
Mwari akamutsa Ishe, uye achatimutsa isu nesimba rake.
15
Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu here? Zvino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiite mitezo yemhombwe here? Haisva!
16
Hamuzivi kuti akasanganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye anoti, “Ava vaviri vachava nyama imwe.”
17
Asi akasanganiswa naIshe, wava mweya mumwe naye.
18
Tizai upombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi anoita upombwe, anotadzira muviri wake.
19
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu;
20
nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16