bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 5
1 Corinthians 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Vanhu vose vanoti upombwe huripo pakati penyu, upombwe hwakadaro husingazikanwi kunyange pakati pavahedheni, hwokuti mumwe anogara nomukadzi wababa vake.
2
Munozvikudza, hazvizaiva nani here kana makachema, kuti uyo akabata basa iri abviswe pakati penyu?
3
Nokuti ini, zvirokwazvo, kunyange ndisipo nomuviri, asi ndiripo hangu nomweya, ndatotongesa uyo akaita chinhu ichi, sendinenge ndiripo,
4
nemi, makaungana pamwechete nomweya wangu nezita raIshe Jesu Kristu, nesimba raIshe wedu Jesu,
5
kuti munhu akadai aiswe kuna Satani, nyama iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe.
6
Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here?
7
Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti Pasika yedu, yakatibayirwa, ndiKristu;
8
saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi.
9
Ndakakunyorerai netsamba yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe;
10
handiti nemhombwe dzose dzenyika ino, kana vanoruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.
11
Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu anoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana anoruchiva, kana anonamata zvifananidzo, kana mutuki, kana anosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.
12
Nokuti ini ndichatongereiko vari kunze? Ko imi hamutongi vari pakati penyu here?
13
Asi avo vari kunze. Mwari anovatonga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16