bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 3
1 Corinthians 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokuna voMweya, asi sokuna venyama, sokuna vacheche muna Kristu.
2
Ndakakupai mukaka munwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni.
3
Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here?
4
Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro;” mumwe, “Ini ndiri waAporo;” ko hamuzi vanhu here?
5
Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe.
6
Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa.
7
Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa.
8
Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa.
9
Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10
Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera; mumwe anovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro padzo.
11
Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.
12
Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirivha, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga;
13
basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaedza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
14
Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, achapiwa mubayiro.
15
Kana basa romunhu rikapiswa, ucharasikirwa, asi iye amene achaponeswa, asi soakabuda pamoto.
16
Ko hamuzivi kuti muri temberi yaMwari, uye kuti Mweya waMwari anogara mukati menyu here?
17
Kana munhu achitadzira temberi yaMwari, Mwari achamutadzirawo; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi iyo.
18
Kurege kuva nomunhu anozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave akachenjera.
19
Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, “Anobata vakachenjera pamano avo.”
20
Uyezve, “Ishe anoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzina maturo.”
21
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose dzezvenyu;
22
kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya; zvose ndezvenyu;
23
imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16