bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 15
1 Corinthians 15
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Vhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamuchirawo, neyamunomirawo mairi;
2
iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchiibatisa nomutoo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina.
3
Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro;
4
uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro;
5
akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna gane gumi navaviri;
6
ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vakavata.
7
Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vapostori vose;
8
pakupedzisira akazviratidza kwandiriwo, sokunoakazvarwa nguva isati yasvika.
9
Nokuti ini ndiri muduku kuvapostori vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
10
Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.
11
Naizvozvo, kana ndirini, kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai.
12
Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?
13
Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu angadai asina kumutswawo;
14
uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo.
15
Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu, iye waasina kumumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.
16
Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu haana kumutswawo;
17
kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
18
Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarasikawo.
19
Kana tine tariro kuna Kristu muhupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.
20
Asi zvino Kristu akamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata.
21
Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo.
22
Nokuti vose sezvavanofa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.
23
Asi mumwe nomumwe padzoro rake: wokutanga ndiye Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake.
24
Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba.
25
Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.
26
Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu.
27
Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.”
28
Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye akaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kuna vose.
29
Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa?
30
Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko?
31
Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe.
32
Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.
33
Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.
34
Pengenukai zvakarurama, “Murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.”
35
Asi mumwe angati, “Vakafa vanogomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita sei?”
36
Iwe benzi, icho chaunodyara hachimeri, kana chisingafi.
37
Chaunodyara, haudyari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe;
38
asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.
39
Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe ndeyehove.
40
Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe.
41
Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyeredzi ndokumwe; nokuti nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
42
Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakusaora;
43
unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba.
44
Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo.
45
Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi, “Munhu wokutanga, Adhamu, akaitwa munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akaitwa mweya, unopa upenyu.
46
Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya kudenga.
47
Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri akabva kudenga.
48
Saiye wevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitawo ivo vokudenga.
49
Uye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavawo nomufananidzo waiye wokudenga.
50
Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yokusaora.
51
Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika, Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
52
pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa;
53
nokuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusafa.
54
Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora, nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti, “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”
55
“Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?”
56
Rumborera rworufu ndizvo zvivi; nesimba rezvivi ndiwo murayiro.
57
Zvino Mwari ngaavongwe, uyo anotipa kukunda naIshe wedu, Jesu Kristu.
58
Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mushandire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata basa kwenyu hakungavi pasina muna Ishe.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16