bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Corinthians 14
1 Corinthians 14
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Teverai rudo; shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muporofite.
2
Nokuti anotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi anotaura zvakavanzika muMweya.
3
Asi anoporofita, anotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurayirwa, nokunyaradzwa.
4
Anotaura norurimi, anozvisimbisa iye; asi anoporofita, anosimbisa kereke.
5
Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; anoporofita mukuru kunoanotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe.
6
Asi zvino, hama dzangu, kana ndichiuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
7
Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa, kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana norudimbwa?
8
Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angazvigadzira kundorwa?
9
Zvakadarowo nemi, kana musingatauri mashoko norurimi anonatsozikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.
10
Mazwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakuna chinhu chisina izwi racho.
11
Zvino kana ndisingazivi kuti izwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kune anotaura, noanotaura achava kwandiri somunhu worumwe rurimi.
12
Saizvozvowo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke.
13
Saka anotaura norumwe rurimi, ngaanyengetere kuti adudzirewo.
14
Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko.
15
Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo.
16
Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo agere pachigaro chavasina kudzidza, achati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe?
17
Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi.
18
Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose;
19
asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zviuru zvine gumi.
20
Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.
21
Pamurayiro pakanyorwa, pachiti, “Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.”
22
Saka ndimi hadzizi chiratidzo kuna vanotenda, asi kuna vasingatendi; nokuporofita hakuzi kuna vasingatendi, asi kuna vanotenda.
23
Naizvozvo, kana kereke yose yaungana, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here?
24
Asi kana vose vakaporofita, mumwe asingatendi kana asina kudzidza akapinda, achatendiswa navose, achatongwa navose;
25
zvakavanzika zvomwoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo achawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe nokupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
26
Zvino tichatiiko, hama dzangu? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane pisarema, ane chokudzidzisa, ane chakamuzarurirwa, anorumwe rurimi, ane chokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.
27
Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire.
28
Asi kana pasina anodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokuna Mwari.
29
Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavatsoropodze.
30
Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe agerepo, wokutanga ngaanyarare.
31
Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe.
32
Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita;
33
nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.
34
Vakadzi ngavanyarare pakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi ngavazviise pasi, sezvinorevawo murayiro.
35
Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti hazvifaniri kuti mukadzi ataure mukereke.
36
Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?
37
Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murayiro waIshe.
38
Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi hake.
39
Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi.
40
Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirairo yazvo.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16