bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 10
Mark 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Zvino akasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJorodhani, vanhu vazhinji-zhinji vakaunganirazve kwaari; akavadzidzisazve sezvaakanga achisiita.
2
VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza, vachimuedza, vachiti, “Murume akatenderwa kuramba mukadzi wake here?”
3
Akapindura, akati kwavari, “Mosesi akakuraireiko?”
4
Vakati, “Mosesi akatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, agorambwa.”
5
Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai murayiro iwoyo nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu.
6
Asi kubva pakutanga kwokusikwa akavaita, ‘Munhurume nomunhukadzi.’
7
‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake;
8
ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri; asi nyama imwe.’
9
Zvino izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
10
Zvino mumba vadzidzi vakamubvunzazve pamusoro paizvozvo.
11
Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe kwaari.
12
Uye kana iye mukadzi akaramba murume wake, akawanikwa nomumwe, anoita upombwe.”
13
Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira.
14
Zvino Jesu akati achizviona, akatsamwa, akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai.
15
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.”
16
Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo.
17
Zvino akati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akapfugama pamberi pake akamubvunza, achiti, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?”
18
Jesu akati kwaari, “Anondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari.
19
Mirayiro unoiziva, inoti, usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.”
20
Akati kwaari, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.”
21
Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari, “Unoshaiwa chinhu chimwechete; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.”
22
Asi akasuwa kwazvo neshoko iro, ati hurududu nokuti akanga ane pfuma zhinji.
23
Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari!”
24
Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akapindurazve, akati kwavari, “Vana, zvinorema sei kuna vanovimba nepfuma kupinda muushe hwaMwari!
25
Ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
26
Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari, “Ndianiko angagoponeswa?”
27
Zvino Jesu akati achivatarira, akati, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvinobvira.”
28
Petirosi akatanga kutaura kwaari, achiti, “Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai.”
29
Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya imba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, vana, kana minda, nokuda kwangu nokweVhangeri,
30
asingazopiwi zvine zana nenguva ino, zvedzimba vakoma navanun'una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwechete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.
31
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.”
32
Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusaremu; Jesu akanga achivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatorazve vane gumi navaviri, akatanga kuvaudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti,
33
“Tarirai tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni.
34
Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurova kwazvo, nokumuuraya; kana mazuva matatu apfuura, achamukazve.”
35
Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya, kwaari, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.”
36
Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
37
Vakati kwaari, “Tigarisei mukubwinya kwenyu, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe.”
38
Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?”
39
Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
40
asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.”
41
Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani.
42
Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari, “Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovaita mukundo navakuru vakuru vano vanovaitira zvesimba.
43
“Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu;
44
ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose.
45
“Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”
46
Vakasvika Jeriko; zvino akati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bhatimeo, mwanakomana waTimeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira.
47
Iye akati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
48
Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye akanyanya kudanidzira kwazvo, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
49
Ipapo Jesu akamira, akati, “Mudanei.” Vakadana bofu, vachiti kwariri, “Tsunga mwoyo, simuka, anokudana.”
50
Ipapo akarasira nguo yake, akasimuka, akaenda kuna Jesu.
51
Jesu akamupindura, akati kwaari, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Bofu rikati kwaari, “Rabhoni, kuti ndione.”
52
Jesu akati kwaari, “Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa.” Pakarepo akaona, akatevera Jesu munzira.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16