bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 5
Mark 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Vakasvika mhiri kwegungwa kunyika yavaGerasa.
2
Zvino akati abuda muigwa, pakarepo akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumarinda.
3
Uyo aigara mumarinda; kwakanga kusino munhu akanga achagona kumusunga kunyange nengetani.
4
Nokuti kazhinji aisungwa nezvisungo zvamakumbo nengetani, asi aidambura ngetani, nokudashura zvisungo; kwakanga kusino munhu aigona kumudzikamisa.
5
Nguva dzose, usiku namasikati, aigara mumarinda nomumakomo, achiridza mhere, achizvicheka namabwe.
6
Zvino akati achiona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumupfugamira;
7
akadanidzira nezwi guru, akati, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.”
8
Nokuti akati kwaari, “Buda pamunhu, iwe mweya wakaipa!”
9
Akamubvunza, akati, “Zita rako ndianiko?” Akati kwaari, “Ndinonzi Regioni, nokuti tiri vazhinji.”
10
Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo.
11
Zvino kwakanga kuine pagomo boka guru renguruve dzakanga dzichifura.
12
Ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Titumirei kunguruve, kuti tindopinda madziri.”
13
Akaitendera. Mweya yakaipa ikabuda, ikapinda munguruve; boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zviuru zviviri, dzikafira mugungwa.
14
Vaidzifudza vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta nomumaruwa. Vanhu kauya kuzoona zvaitwa.
15
Vakauya kuna Jesu, vakaona akanga ane mweya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye iye aiva neRegioni; vakatya.
16
Vaya vakanga vazviona, vakarondedzera zvaakaitirwa iye akanga anemweya yakaipa, nenguruvewo.
17
Vakatanga kukumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
18
Zvino akati achipinda muigwa, iye aiva nemweya yakaipa akakumbira zvikuru kwaari kuti agare naye.
19
Asi haana kumutendera, asi akati kwaari, “Enda kumba kwako, kuhama dzako, uvaudze zvinhu zvikuru zvawakaitirwa naIshe, napawakaitirwa ngoni napo.”
20
Akaenda, akatanga kuparidza munyika yeDhekapori zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu; vakashamiswa vose.
21
Jesu akati ayambukirazve mhiri negwa, vanhu vazhinji vakaunganira kwaari; akanga ari pagungwa.
22
Mumwe wavakuru vesinagoge, wainzi Jairosi, akasvika; akati achimuona, akazviwisira pasi petsoka dzake,
23
akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai, muise maoko enyu pamusoro pake aporeswe, ararame.”
24
Akaenda naye; vanhu vazhinji vakamutevera, vachimutsikirira.
25
Zvino mumwe mukadzi aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri,
26
akanga aoneswa nhamo nevarapi vazhinji, akapedza zvose zvaakanga anazvo asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa,
27
akati anzwa zvaJesu, akauya pakati pavanhu vazhinji vaiva mashure, akabata nguo yake.
28
Nokuti akati, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.”
29
Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa pamuviri wake kuti aporeswa pakurwara kwake.
30
Pakarepo Jesu akati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendeuka pakati pavanhu vazhinji, akati, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
31
Vadzidzi vake vakati kwaari, “Munoona vanhu vazhinji vanokutsikirirai, zvino mungati seiko, ndiani andibata?”
32
Zvino akaringa-ringa kuti aone akaita izvozvo.
33
Mukadzi akatya, akadedera, achiziva zvaaitirwa, akauya, ndokuzviwisira pamberi pake, ndokumuudza zvirokwazvo zvose.
34
Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”
35
Akati achataura, vamwe veimba yomukuru wesinagoge vakasvika, vakati, “Mukunda wenyu afa; muchatambudzireiko Mudzidzisi?”
36
Jesu akati achinzwa shoko rataurwa, akati kumukuru wesinagoge, “Usatya, tenda bedzi.”
37
Akasatendera munhu kumutevera, asi Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una waJakobho.
38
Vakasvika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere-mhere, navanochema zvikuru, navanorira.
39
Akapinda, akati kwavari, “Munoitireiko mhere-mhere, muchichema? Mwana haana kufa, asi avete.”
40
Vakamuseka. Akavabudisa vose, akatora baba vomwana namai, navaakanga anavo, akapinda kwakanga kuno mwana.
41
Akabata ruoko rwomwana, akati kwaari, “Tarita kumi!” Ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri, muka!”
42
Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; nokuti waiva namakore ane gumi namaviri; vakashamiswa nokushama kukuru.
43
Akavarayira zvikuru kuti zvirege kuziikanwa nomunhu; akati musikana ungaapiwe zvokudya.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16