bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 2
Mark 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Kwakati mazuva apfuura, akapindazve Kapenaume; vanhu vakanzwa kuti ari mumba.
2
Vazhinji vakaungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamusuo; akavataurira shoko.
3
Vakauya vakaisa kwaari munhu akanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
4
Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo;
5
Jesu akati achiona kutenda kwavo, akati kunoakanga akafa mitezo, “Mwana, waregererwa zvivi zvako.”
6
Zvino vamwe vanyori vakanga vegeremo, vakafunga mumwoyo yavo, vachiti,
7
“Uyu anorevereiko kudaro? Anoshonha Mwari; ndianiko anogona kuregerera zvivi, asi mumwechete, ndiye Mwari?”
8
Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumwoyo yavo, akati kwavari, “Munofungireiko zvinhu izvi mumwoyo yenyu?
9
Chakareruka ndechipiko, kuti kunowakafa mitezo, ’Waregererwa zvivi zvako,‘ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo dzako, ufambe?’
10
“Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo),
11
“Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!”
12
Pakarepo akasimuka, akatora nhoo, ndokubuda pamberi pavo vose; naizvozvo vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti, “Hatina kumboona zvakadai.”
13
Akabudazve akaenda kugungwa; vazhinji vose vakauya kwaari, akavadzidzisa.
14
Akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere.” Akasimuka, akamutevera.
15
Zvino akati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake; nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera.
16
Zvino vanyori navaFarisi vakati vachimuona achidya navatadzi navateresi, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi anodyireiko navateresi navatadzi?”
17
Jesu akati achizvinzwa, akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki murapi, asi vanorwara; handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
18
Vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya; vakauya vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vanozvinyimireiko zvokudya, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?”
19
Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingazvinyima zvokudya seiko achiri kwavari? Havangazvinyimi zvokudya muwani achiri kwavari.
20
“Asi mazuva achasvika, achazobviswa muwani kwavari; zvino nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
21
“Hakuna munhu anosonera chiremo chitsva panguo yakasakara, nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguo yakasakara, buri rikanyanya.
22
“Hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo tsaru; nokuti waini inoparusa hombodo, waini nehombodo zvikafa; asi waini itsva inodirwa muhombodo itsva.”
23
Kwakati nomusi weSabata, achifamba napakati peminda, vadzidzi vake vakatanga kupurura hura vachifamba.
24
VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi weSabata?”
25
Akati kwavari, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa zvokudya, aziya, iye navakanga vanaye?
26
Kuti akapinda mumba maMwari, Abhiatari ari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza Mwari zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga, akapawo vaiva naye?”
27
Akati kwavari, “Sabata yakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata;
28
naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabatawo.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16