bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 13
Mark 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
1
Akati achibuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!”
2
Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”
3
Zvino akati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netemberi, Petirosi, naJakobho, naJohani, naAndireya vakamubvunza vari voga, vachiti,
4
“Tiudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?”
5
Zvino Jesu akatanga kuvaudza, akati, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
6
Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.’
7
Kana muchinzwa zvokurwa, nenyaya yokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.
8
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo.
9
“Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.
10
Vhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.
11
Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.
12
Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa.
13
Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsunga kusvikira pakuguma achaponeswa.
14
“Zvino kana muchiona nyangadzi yokuparadza imire paisina kufanira kumira anorava ngaacherekedze, vari muJudhea ngavatizire kumakomo;
15
ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make.
16
Nowari mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake.
17
Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo!
18
Nyengeterai kuti zvirege kuva panguva yechando.
19
Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
20
“Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa vaakasanangura, akatapudza mazuva iwayo.
21
“Zvino kana munhu achiti kwamuri, ‘Tarirai Kristu ari pano, tarirai, ari apo,’ regai kutenda.
22
Nokuti vanaKristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira.
23
Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvose!
24
“Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi,
25
nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa.
26
Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya mumakore nesimba guru nokubwinya.
27
“Ipapo achatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwedenga.
28
“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
29
Saizvozvo imiwo, kana moona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti ava pedyo atosvika pamusuo.
30
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika.
31
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
32
“Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba.
33
Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.
34
Zvakaita somunhu akaenda kune imwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira murindi womusuo kuti arindire.
35
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani;
36
kuti arege kuuya kamwe-kamwe, akakuwanai muvete.
37
Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti, ‘Rindai!’ ”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16