bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 8
Mark 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
1
Namazuva iwayozve kwakanga kunavazhinji zhinji, vakanga vasina zvavangadya, akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari,
2
“Ndine tsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya.
3
Kana ndikavaendesa kumusha kwavo vane nzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.”
4
Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaari, “Munhu angawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?”
5
Akavabvunza, akati, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.”
6
Zvino akarayira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.
7
Uye vakanga vane hove duku shomanene; zvino akatenda, Mwari akati zviiswewo pamberi pavo.
8
Vakadya, vakaguta, ndokuunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
9
Vanenge vaiva zviuru zvina; akavaendesa.
10
Pakarepo akapinda muigwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDharimanuta.
11
Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuedza.
12
Akagomera zvikuru mumweya make, akati “Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.”
13
Ipapo akavasiya, akapindazve muigwa, akayambukira mhiri.
14
Vakanga vakanganwa kutora zvingwa muigwa; vakanga vasina zvingwa muigwa, asi chimwe bedzi.
15
Zvino akavarayira, akati, “Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarisi nembiriso yaHerodhi.”
16
Vakarangana vakati, “Anodaro nokuti hatine zvingwa.”
17
Zvino Jesu akati achizviziva, akati kwavari, “Munorangana nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu here?
18
Zvamuna meso, hamuoni here? Zvamune nzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here?
19
Musi wandakamedurira vane zviuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.”
20
“Nomusi wandakamedurira vane zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu?” Vakati, “Manomwe.”
21
Akati kwavari, “Ko hamunzwisisi nazvino here?”
22
Zvino vakasvika Bhetisaidha; vakauya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate.
23
Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?”
24
Iye akatarira, akati, “Ndinoona vanhu, ndinovaona vachifamba vakafanana nemiti.”
25
Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka.
26
Akamuendesa kumba kwake akati, “Usatongopinda mumusha.”
27
Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?”
28
Vakapindura vachiti kwaari, “Vamwe vanoti, ‘Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria, vamwezve mumwe wavaporofita.’ ”
29
Zvino akavabvunza, akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Ndimi Kristu.”
30
Akavarayira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake.
31
Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, aurawe, amukezve mazuva matatu apfuura.
32
Akataura shoko iro pachena. Zvino Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumutsiudza.
33
Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”
34
Zvino akadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
35
Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweVhangeri, achahuponesa.
36
“Nokuti munhu achagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake?
37
Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
38
Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16