bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 6
Mark 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Akabvapo, akasvika kunyika yake, vadzidzi vake vakamutevera.
2
Musi weSabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge; vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu awanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namaoko ake?
3
Ko uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano pakati patiri here?” Vakagumburwa naye.
4
Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.”
5
Akasagona kubata basa resimba ipapo, asi akaisa maoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa.
6
Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo akapota nemisha, achidzidzisa.
7
Zvino akadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa;
8
akavarayira kuti “Varege kutongotora zvomunzira, asi mudonzvo bedzi; varege kutora chingwa, nehombodo, nemari muchikwama.
9
Asi vapfeke shangu, varege kupfeka nguo mbiri.”
10
Akati kwavari; “Pose pamunopinda mumba, mugaremo, kusvikira muchibvapo.
11
Pose pavasingakugamuchirii nokukunzwai, kana muchibvapo, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.”
12
Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendeuke.
13
Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa.
14
Zvino mambo Herodhi akazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati, “Johani Mubhabhatidzi akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.”
15
Vamwe vakati, “NdiEria;” vamwe vakati, “Muporofita, akafanana nomumwe wavaporofita.”
16
Asi Herodhi akati achizvinzwa, akati, “NdiJohani akamuka, uya wandakagura musoro.”
17
Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana.
18
Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.”
19
Herodhiasi akamuvenga, akada kumuuraya, akasagona;
20
nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa.
21
Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rokupemberera kuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezviuru zvamazana navakuru veGariria mutambo mukuru;
22
zvino mwanasikana waHerodhiasi amene akapinda, akatamba, akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana, “Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.”
23
Akamupikira, achiti, “Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu youshe hwangu.”
24
Akabuda, akati kuna amai vake, “Ndichakumbireiko?” Vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
25
Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
26
Ipapo mambo akazvidya mwoyo kwazvo, asi akanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya.
27
Pakarepo mambo akatuma musoja, akaraira kuti auye nomusoro wake.
28
Akaenda, akamugura musoro mujeri, akauya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake.
29
Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga mubwiro.
30
Zvino vapostori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa.
31
Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya.
32
Vakaenda negwa kunzvimbo isina vanhu vari voga.
33
Vanhu vakavaona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika.
34
Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji.
35
Zvino zuva roda kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Ino inzvimbo yerenje, zuva roda kuvira;
36
vaendisei; kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya.”
37
Akapindura, akati kwavari, “Imi muvapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhenari ana mazana maviri, tivape vadye here?”
38
Akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mutarire.” Vakati vaziva, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.”
39
Zvino akavarayira kuti vagarise vose pasi pauswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka.
40
Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka ane zana naana makumi mashanu.
41
Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose.
42
Vakadya vose, vakaguta.
43
Vakaunganidza zvimedu nezvehovewo, matengu ane gumi namaviri akazadzwa.
44
Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vane zviuru zvishanu.
45
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji.
46
Akati aonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera.
47
Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.
48
Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura.
49
Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakati “Mudzimudzangara,” vakaridza mhere.
50
Nokuti vose vakamuona, vakakundiswa; akataura navo, akati kwavari, “Tsungai mwoyo, ndini, musatya.”
51
Akakwira kwavari muigwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumwoyo yavo.
52
Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
53
Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo.
54
Vakati vabuda muigwa, pakarepo vanhu vakamuziva,
55
vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhoo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari.
56
Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa vakaradzika vairwara padare, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16