bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 12
Mark 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa, akaukomba norusvingo, akachera guvi rokusvinira, akavaka chirindo, chirefu akaurongera varimi, ndokufamba rwendo.
2
“Nenguva yemichero akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi michero yomunda wemidzambiringa.
3
“Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina.
4
Akatumazve mumwe muranda kwavari; vakamutaka namabwe, vakamutema musoro, vakamunyadza.
5
Akatumazve mumwe, vakamuuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuuraya vamwe.
6
“Zvino akanga achine mwanakomana mumwe, mudikanwi; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti, ‘Vachakudza mwanakomana wangu.’
7
Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, nhaka igova yedu.’
8
Vakamubata, vakamuuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa.
9
Zvino muridzi womunda wemidzambiringa achaiteiko? Achauya, akaparadza varimi ivavo, akarongera vamwe varimi munda wemidzambiringa.
10
Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona;
11
Izvozvo zvakaitwa naIshe, Zvinoshamisa pameso edu?’ ”
12
Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti akavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo.
13
Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navaHerodhi, kuti vamubate pakutaura kwake.
14
Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?
15
“Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhenari kwandiri, ndirione.”
16
Vakauya naro. Ipapo akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.”
17
Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakashamiswa zvikuru naye.
18
Zvino vaSadhusi vakauya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti,
19
“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’
20
Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana.
21
Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu akadarowo.
22
“Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafawo.
23
Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, achava mukadzi waaniko? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.”
24
Jesu akati kwavari, “Hamuti makarasika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari?
25
“Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga.
26
Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamuna kurava here mubhuku raMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari akataura naye, akati, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’
27
Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; marasika kwazvo.”
28
Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murayiro wokutanga pana yose ndoupiko?”
29
Jesu akapindura, akati, “Wokutanga ndiwoyu, ‘Inzwai vaIsiraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwechete!
30
Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’
31
Wechipiri ndiwoyu, ‘Ida wokwako sezvaunozvida pachako.’ Hakuna murayiro mukuru kuna iyoyi.”
32
Zvino munyori akati kwaari, “Zvakanaka Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwechete, hakuna mumwe kunze kwake;
33
nokumuda iye nomwoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nokuda wokwake sezvaanozvida pachake, zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.”
34
Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu.
35
Zvino Jesu akati achidzidzisa mutemberi, akapindura, akati, “Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?
36
Dhavhidhi amene akati noMweya Mutsvene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’
37
“Dhavhidhi amene anoti, ‘Ishe,’ angagova mwanakomana wake seiko?” Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.
38
Zvino pakudzidzisa kwake akati, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, nokukwaziswa padare,
39
nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo;
40
vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa mhosva huru inodarika yavamwe.”
41
Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji.
42
Kukasvika chirikadzi, yaiva murombo, ikakanda tumari tuviri tuduku.
43
Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kunaavo vose vakaisa muchivigiro,
44
nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.”
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16