bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 14
Mark 14
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwePasika nomutambo wezvingwa zvisina mbiriso. Vapristi vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutoo wavangamubata nawo namano, kuti vamuuraye.
2
Nokuti vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.”
3
Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake.
4
Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamwoyo yavo, vakati, “Kuparadza ikoko kwemafuta kwakaitirweiko?
5
Nokuti mafuta oga angadai atengeswa namadhenari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakatsamwira mukadzi.”
6
Asi Jesu akati, “Muregei. Muno mutambudzireiko? Akandiitira basa rakanaka.
7
“Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose.
8
Akaita paakagona napo; akagara azora muviri wangu ndisati ndavigwa.
9
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.”
10
Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvapristi vakuru, kuti amuise kwavari.
11
Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka nzira yaangamuisa kwavari nayo panguva yakafanira.
12
Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, musi wavaibayira Pasika nawo, vadzidzi vakati kwaari, “Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya Pasika?”
13
Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari, “Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye.
14
“Paanenge achipinda, muti kumuridzi weimba, ‘Zvanzi nomudzidzisi, imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyire Pasika navadzidzi vangu?’
15
Ipapo iye achakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.”
16
Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vaudzwa naye; vakagadzira Pasika.
17
Ava madekwana, akauya navane gumi navaviri.
18
Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira, iye anodya neni.”
19
Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?”
20
Akati kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, anoisa ruoko neni mundiro.
21
Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.”
22
Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.”
23
Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.
24
Akati kwavari, “Ichi iropa rangu rechitenderano itsva, rinodururirwa vazhinji.
25
“Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handichazonwizve muchero womudzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muushe hwaMwari.”
26
Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.
27
Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.’
28
Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.”
29
Zvino Petirosi akati kwaari, “Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.”
30
Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”
31
Asi iye akareva nokusimbisa, achiti, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambii.” Navose vakadarowo.
32
Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.”
33
Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa.
34
Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.”
35
Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari.
36
Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.”
37
Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here?
38
Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.”
39
Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo.
40
Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
41
Akaendazve rwechitatu, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; zvaringana, nguva yasvika, tarirai, Mwanakomana womunhu woiswa mumaoko avatadzi.
42
Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”
43
Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navanyori navakuru vakuru.
44
Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakasimba.”
45
Zvino akati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati, “Rabhi!” Akamutsvoda kwazvo.
46
Ipapo vakaisa maoko kwaari, vakamubata.
47
Zvino mumwe wavakanga vamirepo, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake.
48
Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari, “Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here?
49
Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutemberi, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.”
50
Ipapo vakamusiya vose, vakatiza.
51
Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata;
52
asi rakasiya mucheka, rikatiza risina nguo.
53
Zvino vakaisa Jesu kumupristi mukuru; vapristi vakuru vose navakuru vakuru navanyori vakaunganira kwaari.
54
Petirosi akanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto.
55
Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu pamusoro paJesu kuti vamuuraye, asi havana kuuwana.
56
Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana.
57
Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti,
58
“Takamunzwa isu achiti, ‘Ndichaputsa temberi iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’ ”
59
Asi kupupura kwavo kwakapesana.
60
Zvino mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti, “Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?”
61
Asi iye akaramba anyerere, asingapinduri chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari, “Ndiwe Kristu, Mwanakomana woAnokudzwa here?”
62
Jesu akati, “Ndini. Nemi muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.”
63
Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvapupu?
64
“Manzwa kushonha kwake Mwari; munofungeiko?” Ipapo vose vakamutongera kuti anofanira kufa.
65
Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari, “Porofita; navatariri vakamurova namaoko.”
66
Zvino Petirosi achiri panze paruvazhe, mumwe murandasikana womupristi mukuru akasvika,
67
akaona Petirosi achidziya moto, akamutarira, akati, “Newewo wakanga una Jesu weNazareta!”
68
Asi iye akaramba, achiti, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.”
69
Zvino murandasikana akamuona, akatangazve kureva kunavakanga varipo, achiti, “Uyu ndomumwe wavo!”
70
Asi iye akarambazve. Nguva duku yakati yapfuura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newewo uri muGariria.”
71
Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.”
72
Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu rokuti, “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Zvino akati achifunga izvozvo, akachema.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16