bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 16
Mark 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Sabata yakati yapfuura, Maria Magadharina, naMaria mai vaJakobho, naSarome, vakatenga zvinonhuwira, kuti vaende kuzomuzodza.
2
Mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, vakaenda kubwiro, zuva robuda.
3
Vakataurirana, vachiti, “Ndianiko achatikungurusira ibwe pamusuo webwiro?”
4
Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
5
Vakapinda mubwiro, vakaona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguo chena yakarehwa, vakavhunduka.
6
Rikati kwavari, “Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, akanga aroverwa pamuchinjikwa; amuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa.
7
“Asi endai, mundoudza vadzidzi vake naPetirosi, kuti anokutungamirirai Gariria, muchandomuonako, sezvaakakuudzai.”
8
Vakabuda, vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasaudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya. [
9
Zvino akati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kuna Maria Magadharina, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.
10
Iye akaenda kundoudza avo vaiva naye, vakanga vachichema nokusuwa.
11
Ivo vakati vachinzwa kuti ari mupenyu, uye kuti akaonekwa naye, vakasatenda.
12
Shure kwaizvozvo wakazviratidza nomumwe mutowo kuna vaviri vavo, vakanga vachifamba muruwa.
13
Naivowo vakaenda, vakandoudza vamwe; naivo vakasavatendawo.
14
Pashure wakazviratidza kuna vane gumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo noukukutu hwemwoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuona amuka.
15
Akati kwavari, “Endai munyika yose, muparidzire zvisikwa zvose Vhangeri.
16
Anotenda, akabhabhatidzwa, achaponeswa; asi asingatendi achatongwa.
17
Zviratidzo izvi zvichava navanotenda, vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachataura nendimi itsva;
18
vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinouraya, hachingavarwadzi; vachaisa maoko pamusoro pavarwere, vakapora.”
19
Zvino Ishe Jesu akati ataura navo, akagamuchirwa kudenga, akagara kuruoko rworudyi rwaMwari.
20
Ivo vakaenda, vakaparidza kwose-kwose, Ishe achibatsirana navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaiteverana navo.]
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16