bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 4
Mark 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Zvino akatangazve kudzidzisa pagungwa; vanhu vazhinji-zhinji vakaunganira kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo; vazhinji vose vakanga vari pedyo negungwa pamhenderekedzo.
2
Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari pakudzidzisa kwake,
3
“Teererai, Mukushi akabuda kundokusha.
4
Akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikauya dzikadzidya.
5
Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika;
6
asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi.
7
“Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga, dzikasaita vana.
8
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.”
9
Akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10
Akati ari oga, vakanga vanaye vane gumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo.
11
Akati kwavari, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari, asi kuna ava, vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo,
12
kuti, kuona vaone, asi varege kuonesesa, nokunzwa vanzwe, asi varege kunzwisisa, kuti zvimwe varege kutendeuka, vakaregererwa zvivi zvavo.”
13
Zvino akati kwavari, “Hamuzivi here mufananidzo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose?
14
Mukushi ndiye anokusha shoko.
15
Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya, ndokubvisa shoko rakakushwa mavari.
16
Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro,
17
asi havana mudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku; pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
18
“Vamwe vanokushwa muminzwa, ndivo vanonzwa shoko,
19
asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma, nokuchiva zvimwe, kunopinda, kuchivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko.
20
“Vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka, mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana.”
21
Zvino akati kwavari, “Mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu, kana pasi pomubhedha here? Hausipo kuti uiswe pachigadziko here?
22
Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazooneswi, hapana chavigwa chisingazobudi pachena.
23
Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
24
Zvino akati kwavari, “Chenjerai zvamunonzwa. Chiero chamunoera nacho, nemi muchaerwa nacho; mukawedzerwa.
25
Nokuti uya ane chaanacho achapiwa, asi uya asina, achatorerwa kunyangwe nechaanacho.”
26
Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana nomunhu anodyara mbeu muvhu,
27
akavata, akamuka, usiku namasikati; mbeu inomera, ichikura, iye asingazivi kuti zvinoitika sei;
28
ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
29
Kana yaibva, pakarepo anocheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
30
Zvino akati, “Ushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahuenzanisira nomufananidzo upiko?
31
Hwakafanana netsanga yemasitadhi, iyo kana ichidyarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika;
32
asi kana yadyarwa, inomera, ichiva huru kumiriwo yose ichiita matavi makuru, akadaro kuti shiri dzedenga dzinovakira matendere adzo imomo.”
33
Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo.
34
Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo, asi waizodudzira vadzidzi vake zvose vari voga.
35
Zvino nezuva iro, ava madekwana, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri.”
36
Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye muigwa akangodaro; mamwe magwa akanga aiva naye.
37
Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova achipinda muigwa, rikanga roda kuzara.
38
Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?”
39
Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.
40
Zvino akati kwavari, “Munotyireiko kudaro? Hamuna kutenda here?”
41
Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera?”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16