bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 3
Mark 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Akapindazve musinagoge; zvino kwakanga kune munhu akanga ane ruoko rwakakokonyara.
2
Vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nomusi weSabata; kuti vamupomere mhosva.
3
Zvino akati kumunhu akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka pakati pavo!”
4
Akati kwavari, “Zvakatenderwa here neSabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Vakanyarara.
5
Zvino akati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora.
6
Zvino vaFarisi vakati vabuda, vakandorangana pakarepo navaHerodhi pamusoro pake kuti vangamuuraya sei.
7
Zvino Jesu akaenda navadzidzi vake kugungwa; vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera vachibva Gariria; nokuJudhea,
8
neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJorodhani, nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari.
9
Akaudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira.
10
Nokuti akanga aporesa vazhinji; naizvozvo vose vakanga vanamarwere vakamutsikirira, kuti vamunyangate.
11
Nemweya yakaipa yakati kana yamuona, yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!”
12
Akairayira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena.
13
Zvino akakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakauya kwaari.
14
Akagadza vane gumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze,
15
uye vave nesimba rokubudisa mweya yakaipa.
16
Akatumidza Simoni zita rinonzi Petirosi,
17
naJakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani, munun'una waJakobho; akavatumidza ivo mazita anonzi Bhoanerigesi, ndokuti “Vanakomana vokutinhira;”
18
naAndireya, naFiripi, naBhatoromeo, Mateu naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeo, naTadheo, naSimoni muKanani,
19
naJudhasi Isikarioti akamupandukirawo. Zvino akapinda mumba,
20
vazhinji vakaunganazve, nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa.
21
Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa, vakabuda kuzomubata, nokuti vakati, “Anopenga.”
22
Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusaremu, vakati, “Ana Bheerizebhuri, anobudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.”
23
Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo. “Satani angabudisa Satani seiko?
24
Kana ushe huchizvipesanisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.
25
Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.
26
Kana Satani achizvimukira, akazvipesanisa, haangagoni kumira, asi anopera.
27
“Hakuna munhu angapinda mumba moane simba, akatora nhumbi dzake, asati ambosunga anesimba; zvino angaparadza imba yake.
28
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vanakomana vavanhu vacharegererwa zvivi zvose, nokushonha kwose kwavanoshonha Mwari nako;
29
asi ani naani ashonha Mweya Mutsvene, haangaregerwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”
30
Nokuti vakati, “Ano mweya wakaipa.”
31
Zvino mai vake navanun'una vake vakauya, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari, kumudana.
32
Vazhinji vakanga vagere, vakamukomba, vakati kwaari, “Tarirai, mai venyu navanun'una venyu navakoma nehanzvadzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.”
33
Akavapindura, akati, “Mai vangu, vakoma navanun'una vangu ndivanaaniko?”
34
Zvino akaringa-ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu!
35
“Nokuti ani naani anoita kuda kwaMwari, ndiye mukoma nomunun'una wangu, nehanzvadzi, naamai.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16