bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Mark 7
Mark 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
1
Zvino vaFarisi navamwe vavanyori vaibva Jerusaremu, vakaunganira kwaari;
2
vakaona vamwe vadzidzi vake vachidya namaoko ane tsvina, ndokuti asina kushambwa.
3
Nokuti vaFarisi, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba maoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru.
4
Kana vachibva kumusika havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.
5
Ipapo vaFarisi navanyori vakamubvunza, vachiti, “Vadzidzi venyu vanoregereiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namaoko ane tsvina?”
6
Akati kwavari, “Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi mwoyo yavo iri kure neni.
7
Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa zvakatemwa navanhu, sokunge zvidzidziso zvechokwadi.’
8
“Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.”
9
Akati kwavari, “Zvirokwazvo, munoramba murayiro waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu;
10
nokuti Mosesi akati, ‘Kudza baba vako namai vako, uye anotuka baba namai, ngaafe norufu.’
11
“Asi imi munoti, kana munhu achiti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Koribhani,’ ndokuti chava chipo chaMwari,
12
hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu,
13
muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.”
14
Akadanirazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditererei mose, munzwisise!
15
“Hapana chinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.”
16
[Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.]
17
Zvino akati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.
18
Akati kwavari, “Nemiwo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa?
19
“Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu, zvichiraswa kunze. Nokutaura kwakadaro akanatsa zvokudya zvose.”
20
Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu.
21
Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya,
22
noupfeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi;
23
zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.”
24
Akasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza.
25
Nokuti mumwe mukadzi, aiva nomwanasikana muduku, akanga ane mweya wakaipa, akati achimunzwa, akauya akazviwisira pasi petsoka dzake.
26
Zvino iye mukadzi aiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.
27
Akati kwaari, “Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”
28
Akapindura, akati kwaari, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.”
29
Akati kwaari, “Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako.”
30
Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubhedha, mweya wakaipa wabva.
31
Zvino akati achibvazve munyika yeTire, akaenda napakati peSidhoni kugungwa reGariria, napakati penyika yeDhekapori.
32
Vakaisa kwaari munhu wematsi, aiva mbeveve, vakakumbira zvikuru kuti aise ruoko rwake pamusoro pake.
33
Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake.
34
Ipapo akatarira kudenga, akagomera, akati kwaari, “Efata,” ndokuti, “Dziuka.”
35
Pakarepo nzeve dzake dzakadziuka, chisungo chorurimi rwake chikasununguka, akataura zvakanaka.
36
Zvino akavarayira, kuti varege kuudza vanhu; asi iye achinyanya kuvarayira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo.
37
Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti, “Akaita zvose zvakanaka; akaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16