bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 1
Numbers 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi murenje reSinai, patende rokusangana, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri negore rechipiri rokubuda kwavo Ijipiti, akati,
2
“Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avarume vose, mumwe nomume.
3
Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa.
4
Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe, mukuru weimba yamadzibaba ake.
5
Ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsirai: WokwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri.
6
WokwaSimeoni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
7
WokwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
8
WokwaIsakari, Netaneri, mwanakomana waZuari.
9
WokwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni.
10
Vokuvana vaJosefa: WokwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wokwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
11
WokwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidheoni.
12
WokwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
13
WokwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani.
14
WokwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri.
15
WokwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani.”
16
Ndivo vakadanwa paungano, ari machinda amarudzi amadzibaba avo, vakuru vedzimba dzavaIsiraeri.
17
Zvino Mosesi naAroni vakatora varume ava varehwa mazita avo,
18
vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.
19
Akavaverenga murenje reSinai, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
20
Vokuvana vaRubheni, mwanakomana wedangwe waIsiraeri navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, mumwe nomumwe, varume vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
21
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaRubheni vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.
22
Vokuvana vaSimeoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
23
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaSimeoni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.
24
Vokuvana vaGadhi, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
25
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaGadhi, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
26
Vokuvana vaJudha, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
27
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaJudha, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.
28
Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
29
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaIsakari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu namazana mana.
30
Vokuvana vaZebhuruni, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
31
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaZebhuruni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe namazana mashanu.
32
Vokuvana vaJosefa, ivo vana vaEfuremu, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri, vose vaigona kundorwa,
33
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaEfuremu, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
34
Vokuvana vaManase, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
35
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaManase, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.
36
Vokuvana vaBhenjamini, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
37
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaBhenjamini, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.
38
Vokuvana vaDhani, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
39
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaDhani, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana manomwe.
40
Vokuvana vaAsheri, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
41
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaAsheri, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechiuru chimwe, namazana mashanu.
42
Vokuvana vaNafutari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,
43
vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaNafutari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.
44
Ndivo vakaverengwa, vakaverengwa naMosesi naAroni, namachinda avaIsiraeri; vaiva varume vane gumi navaviri, mumwe nomumwe panzvimbo yeimba yababa vake.
45
Naizvozvo vose vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa pakati pavaIsiraeri,
46
vose vakaverengwa vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
47
Asi vaRevhi, norudzi rwamadzibaba avo, havana kuverengwa pakati pavo.
48
Nokuti Jehovha akanga ataura naMosesi akati,
49
“Asi vorudzi rwaRevhi voga usavaverenga, usavaverengera pakati pavana vaIsiraeri,
50
asi vaRevhi uvagadze, vave vatariri vetabhenakeri yechipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, nezvose zvayo; ndivo vanofanira kutakura tabhenakeri, nenhumbi dzayo dzose, nekushumirapo, nokukomba tabhenakeri nemisasa yavo.
51
Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa.
52
Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamisasa yovokwake, mumwe nomumwe pamureza wovokwake, vachiita mapoka avo.
53
Asi vaRevhi vanofanira kudzika matende avo vachikomba tabhenakeri yechipupuriro, kuti rudzi rwavana vaIsiraeri rurege kutsamwirwa; vaRevhi vanofanira kubata mabasa etabhenakeri yechipupuriro.”
54
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36