bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 12
Numbers 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
1
Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mosesi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, aakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
2
Vakati, “Ko Jehovha akataura naMosesi iye oga here? Ko haana kutaura nesuo here?” Jehovha akazvinzwa.
3
Zvino munhu uyu Mosesi akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.
4
Jehovha akataura pakarepo naMosesi naAroni naMiriami, akati, “Budai imi vatatu kutende rokusangana.” Ivo vatatu vakabuda.
5
Ipapo Jehovha akaburuka mushongwe yegore, akamira mumukova wetende rokusangana, akadana Aroni naMiriami; ivo vaviri vakabuda.
6
Zvino akati, “Teererai mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope.
7
Muranda wangu Mosesi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.
8
Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mosesi?”
9
Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira, iye akabva.
10
Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzi.
11
Zvino Aroni akati kuna Mosesi, “Haiwa, Ishe wangu, musaisa mhosva yezvivi pamusoro pedu, kunyange takaita hedu noupenzi, tikatadza.
12
Ngaarege kuva somwana wakaberekwa akafa, imwe nyama yake yakaora pakubuda kwake padumbu ramai vake.”
13
Zvino Mosesi akachema kuna Jehovha, akati, “Haiwa Mwari, domuporesai henyu.”
14
Jehovha akati kuna Mosesi, “Dai baba vake vakanga vamupfira mate kuchiso chake, haazaifanira kunyara mazuva manomwe here? Ngaabudiswe kunze kwemisasa mazuva manomwe, agopinzwa pashure.”
15
Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve.
16
Shure kwaizvozvo vanhu vakasimuka vakabva Hazeroti, vakandodzika matende avo murenje reParani.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36