bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 5
Numbers 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
2
“Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa.
3
Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.”
4
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa; sezvakataura Jehovha naMosesi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri.
5
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,
6
“Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva;
7
Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira.
8
Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupristi; kunze kwegondohwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.’
9
Nezvipiriso zvinotsaurwa pazvinhu zvitsvene zvose zvavana vaIsiraeri, zvavanouya nazvo kumupristi, zvinofanira kuva zvake.
10
Zvinhu zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe zvinofanira kuva zvake; chinhu chipi nechipi chinopiwa mupristi nomunhu chinofanira kuva chake.”
11
Jehovha akataura naMosesi akati,
12
“Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mukadzi womurume upi noupi akachinya, akamutadzira,
13
mumwe murume akavata naye, zvikavanzwa kumurume wake, zvikasazikanwa, iye akasvibiswa, asi vakashaiwa chapupu, naiye asina kubatwa achiita izvozvo;’
14
murume wake akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, wakasvibiswa; kana zvimwe akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, usina kusvibiswa;
15
ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupristi, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti, chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.
16
Zvino mupristi anofanira kumuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha.
17
Ipapo mupristi anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu, mupristi agotorawo guruva riri pasi mutabhenakeri, ndokuriisa mumvura.
18
Zvino mupristi anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokusunungura vhudzi romusoro womukadzi, ndokuisa chipiriso chokurangaridza mumaoko ake, icho chipiriso choupfu cheshungu; mupristi ndokubata muruoko rwake mvura inovavisa, inouyisa kutuka.
19
Ipapo mupristi anofanira kumupikisa, achiti kumukadzi, ‘Kana kusina murume akavata newe, kana usina kutsaukira kune zvakaipa, uri pasi pomurume wako, usunungurwe hako pamvura iyi inovavisa, inouyisa kutuka;
20
asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukasvibiswa, mumwe murume asati ari murume wako achinge akavata newe,’
21
zvino mupristi anofanira kupikisa mukadzi mhiko inouyisa kutuka, mupristi ndokuti kumukadzi, ‘Jehovha ngaakuite chipiko chemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehovha achiwondisa hudyu yako nokuzvimbisa dumbu rako;
22
mvura iyi inouyisa kutuka ichapinda muura hwako, ndokuzvimbisa dumbu rako, nokuwondisa hudyu yako;’ zvino mukadzi anofanira kuti, ‘Ameni, ameni.’
23
Ipapo mupristi anofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inovavisa.
24
Zvino anofanira kunwisa mukadzi mvura inovavisa, inouyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuvavise.
25
Zvino mupristi anofanira kutora chipiriso choupfu cheshungu paruoko rwomukadzi, ndokuzunguzira chipiriso choupfu pamberi paJehovha, ndokuuya nacho kuatari;
26
mupristi ndokutora tsama imwe yechipiriso choupfu, kuti chive chokurangaridza chacho, ndokuhupisa paatari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure.
27
Zvino kana amunwisa mvura iyo, kana achinge asvibiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inouyisa kutuka ichapinda maari, ikamuvavisa, dumbu rake richazvimba, nehudyu yake ichawonda; mukadzi uyu achava chituko pakati porudzi rwake.
28
Asi kana mukadzi uyo asina kusvibiswa, akanaka hake, achasunungurwa hake, akava nemimbazve.
29
Ndiwo murayiro weshungu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akachinya, akasvibiswa;
30
kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira nomurayiro uyu wose.
31
Murume haangavi nemhosva, asi mukadzi anofanira kuva nemhosva yake.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36