bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 25
Numbers 25
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
1
Zvino vaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navanasikana vaMoabhu;
2
nokuti vakadana vanhu vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo.
3
VaIsiraeri vakazvisunganidza naBhaari‐peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo.
4
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.”
5
Mosesi akati kuvatongi vaIsiraeri, “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari‐peori.”
6
Zvino onei mumwe murume wavana vaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mosesi neungano yose yavana vaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana.
7
Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,
8
akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri.
9
Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.
10
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
11
“Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu, naizvozvo handina kuparadza vana vaIsiraeri neshungu dzangu.
12
Naizvozvo uti, ‘Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare,
13
ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana vaIsiraeri.’ ”
14
Zita romurume uyo muIsiraeri akaurawa, iye wakaurawa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimeoni.
15
Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.
16
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
17
“Vambana navaMidhiani, uvaparadze;
18
nokuti ivo vakavambana nemi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurawa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.”
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36