bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 20
Numbers 20
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 21 →
1
Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo.
2
Ipapo pakanga pasina mvura yokunwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mosesi naAroni.
3
Vanhu vakarwa naMosesi, vakataura, vachiti, “Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!
4
Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu?
5
Makatibudisireiko muIjipiti, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.”
6
Ipapo Mosesi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.
7
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
8
“Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.”
9
Ipapo Mosesi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye.
10
Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, “Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?”
11
Ipapo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji‐zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.
12
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana vaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.”
13
Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.
14
Zvino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, “Zvanzi nomun’una wako Isiraeri, ‘Unoziva nhamo dzose dzakatiwira;
15
kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu;
16
zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa mazwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti; zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako;
17
dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.’ ”
18
Ipapo Edhomu akati kwaari, “Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.”
19
Vana vaIsiraeri vakati kwaari, “Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.”
20
Iye akati, “Haungapfuuri.” Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba.
21
Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari.
22
Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori.
23
Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati,
24
“Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana vaIsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha.
25
Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori;
26
zvino ubvise nguo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.”
27
Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose.
28
Zvino Mosesi wakabvisa nguo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari vakaburuka havo pagomo.
29
Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36