bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 31
Numbers 31
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
2
“Tsiva vana vaIsiraeri kuvaMidhiani; shure kwaizvozvo iwe uchasanganiswa navanhu vako.”
3
Mosesi akataura navanhu, akati, “Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.
4
Munofanira kutumira kuhondo vane chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe amarudzi avaIsiraeri.”
5
Naizvozvo vakaverenga kuzviuru zvavaIsiraeri chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, vakasvika zviuru gumi nezviviri vakazvigadzirira kundorwa.
6
Mosesi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo.
7
Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mosesi naJehovha, vakauraya varume vose.
8
Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.
9
Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nepfuma yavo yose, vakazvitapa.
10
Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto.
11
Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo.
12
Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mosesi, nokuna Ereazari mupristi, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJorodhani paJeriko.
13
Zvino Mosesi naEreazari mupristi, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa.
14
Mosesi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa;
15
Mosesi akati kwavari, “Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here?
16
Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
17
Naizvozvo zvino urayai vakomana vose vari pakati pavana, muurayewo mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume;
18
asi muzvichengetere vanasikana vose, vasina kumbovata nomurume.
19
Asi imi, endai mundogara mazuva manomwe kunze kwemisasa; ani naani akauraya munhu, ani naani akabata munhu akaurawa, muzvinatse pazuva retatu nerechinomwe, imi navatapwa venyu.
20
Munofanirawo kusuka nguo dzenyu dzose, nezvose zvakaitwa namatehwe, nezvose zvakarukwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvakaitwa namatanda.”
21
Ereazari mupristi akati kuvarwi vose vakanga vandorwa, “Uyu ndiwo murayiro wakarairwa Mosesi naJehovha:
22
Ndarama, nesirivha, nendarira, nedare, netini, nomutobvu,
23
zvose zvisingaparadzwi nomoto, munofanira kuzvipinza mumoto kuti zvinatswe; kunyange zvakadaro zvinofanira kucheneswa nemvura yokunatsa; asi zvose zvingaparadzwa nomoto, munofanira kuzvipinza mumvura.
24
Munofanira kusuka nguo dzenyu nezuva rechinomwe, kuti muve vakanaka, mugopinda mumisasa pashure.”
25
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
26
“Verenga vakatapwa zvamakatapa zvavanhu nezvezvipfuwo, iwe naEreazari mupristi, navakuru vedzimba dzamadzibaba eungano;
27
mukamure zvakatapwa napakati, ive migove miviri; mugovere pakati pavarume vanoziva kurwa, vakanga vandorwa, neungano yose;
28
zvino uraire kuti mugove wakatarwa utsaurirwe Jehovha navarume vehondo vakanga vandorwa: Chipenyu chimwe kumazana mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai;
29
uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Ereazari mupristi, chive chipiriso chinotsaurirwa Jehovha.
30
Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha.”
31
Mosesi naEreazari vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
32
Zvino zvakatapwa zvakanga zvasara, varume vehondo vatora mugove wavo, zvaiva makwai ane zviuru zvina mazana matanhatu nezviuru zvina makumi manomwe nezviuru zvishanu,
33
nemombe dzine zviuru zvina makumi manomwe nezviviri,
34
nembongoro dzine zviuru zvina makumi matanhatu nechiuru chimwe;
35
navakadzi vasina kumbovata navarume vane zviuru zvina makumi matatu nezviviri.
36
Hafu, yakagoverwa vakanga vaenda kundorwa, aiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu, nezviuru zvina makumi matatu, nezviuru zvinomwe, namazana mashanu;
37
mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha, waiva makwai ana mazana matanhatu namakumi manomwe namashanu.
38
Mombe dzaiva zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mombe dzina makumi manomwe nembiri.
39
Mbongoro dzaiva zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mbongoro dzina makumi matanhatu neimwe.
40
Vanhu vaiva zviuru zvine gumi nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kuna ivo, waiva vanhu vana makumi matatu navaviri.
41
Mosesi akapa Ereazari mupristi mugove wakatarwa, chakanga chiri chipiriso chakatsaurirwa Jehovha, sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
42
Pahafu yavana vaIsiraeri, yakanga yakamurwa naMosesi kuvanhu vakanga vandorwa,
43
(zvino hafu yeungano yaiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu namakumi matatu, nezviuru zvinomwe namazana mashanu,
44
nemombe dzine zviuru zvina makumi matatu nezviuru zvitatu,
45
nembongoro dzine zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu,
46
navanhu vane zviuru zvine gumi nezvitanhatu).
47
Pahafu yavana vaIsiraeri Mosesi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
48
Zvino vatariri vaiva pamusoro pezviuru zvehondo, navakuru vezviuru, navakuru vamazana vakaswedera kuna Mosesi,
49
vakati kuna Mosesi, “Varanda venyu vakaverenga varume vehondo vanorairwa nesu; hakuna mumwe wedu usipo.
50
Zvino tauya nechipo chaJehovha, zvakawanikwa nomumwe nomumwe: Zvishongo zvendarama, neketani dzomumakumbo nedzomumaoko, nezvindori zveminwe, nezvindori zvomunzeve, nezvomumutsipa, kuyananisira mweya yedu pamberi paJehovha.”
51
Mosesi naEreazari mupristi vakagamuchira kwavari ndarama, zviri zvishongo zvamarudzi ose zvakaitwa nayo.
52
Ndarama yose yechipiriso chakatsaurwa, chavakapa Jehovha, chavakuru vezviuru nechavakuru vamazana, aiva mashekeri ane zviuru zvine gumi nezvitanhatu namazana manomwe namakumi mashanu.
53
(Nokuti varume vehondo vakanga vatora mugove wavo wezvakatapwa, mumwe nomumwe.)
54
Mosesi naEreazari mupristi vakagamuchira ndarama kuvakuru vezviuru navamazana, vakaiisa mutende rokusangana, kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36