bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 8
Numbers 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 9 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,
2
“Taura naAroni, uti kwaari, ‘Kana uchiumisa mwenje, mwenje minomwe inofanira kuvhenekera pamberi pechigadziko.’ ”
3
Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje yacho, kuti ivhenekere pamberi pechigadziko, sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
4
Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakanga wakaratidzwa Mosesi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko.
5
Jehovha akataura naMosesi akati,
6
“Bvisa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, uvanatse.
7
Pakuvanatsa unofanira kuvaitira kudai: Sasa pamusoro pavo mvura inosuka zvivi, ugovaraira kuti vaveurwe muviri wavo wose nechiso, vasuke nguo dzavo, nokuzvinatsa.
8
Zvino vanofanira kutora nzombe duku, nechipiriso chayo choupfu, upfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; newe utore imwe nzombe duku, chive chipiriso chezvivi.
9
Zvino uise vaRevhi pamberi petende rokusangana, ndokukoka ungano yose yavana vaIsiraeri.
10
Unofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha, vana vaIsiraeri vagoisa maoko avo pamusoro pavaRevhi.
11
Zvino Aroni anofanira kuzunguzira vaRevhi pamberi paJehovha, vave chipiriso chinozunguzirwa nokuda kwavana vaIsiraeri, kuti vagarepo kuzobata basa raJehovha.
12
Zvino vaRevhi vanofanira kuisa maoko avo pamisoro yenzombe duku, iwe ugobayira Jehovha imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
13
Zvino unofanira kuisa vaRevhi pamberi paAroni navanakomana vake, ugovazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa kuna Jehovha.
14
Unofanira kubvisa vaRevhi saizvozvo pakati pavana vaIsiraeri, kuti vaRevhi vave vangu.
15
Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vanofanira kupinda kuzobata basa patende rokusangana; unofanira kuvanatsa nokuvazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa.
16
Nokuti ndakavapiwa ini chose pakati pavana vaIsiraeri; ndakazvitorera ivo panzvimbo yavose vanotanga kuzarura chizvaro, iwo matangwe avana vaIsiraeri vose.
17
Nokuti matangwe ose avana vaIsiraeri ndaangu, kana avanhu, kana ezvipfuwo; ndakazvitsaurira iwo nomusi wandakauraya matangwe ose munyika yeIjipiti.
18
Ndakatora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose pakati pavana vaIsiraeri,
19
Aroni navanakomana vake ndikavapa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, kuti vabate basa ravana vaIsiraeri patende rokusangana, nokuyananisira vana vaIsiraeri, kuti hosha irege kuvapo pakati pavana vaIsiraeri kana vana vaIsiraeri vachiswedera kuimba tsvene.”
20
Mosesi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri vakaitira vaRevhi saizvozvo; zvose sezvakarairwa Mosesi naJehovha pamusoro pavaRevhi, vana vaIsiraeri vakavaitira saizvozvo.
21
VaRevhi vakazvinatsa pazvivi zvavo, vakasuka nguo dzavo, Aroni akavazunguzira pamberi paJehovha vave chipiriso chinozunguzirwa; Aroni akavayananisira kuti avanatse.
22
Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vakapinda kuzobata basa patende rokusangana pamberi paAroni napamberi pavana vake; sezvakarairwa Mosesi naJehovha pamusoro pavaRevhi, ndizvo zvaakavaitira.
23
Jehovha akataura naMosesi akati,
24
“Ndiwo murayiro wavaRevhi: Avo vasvika pamakore makumi maviri namashanu, navanopfuura, vanofanira kupinda kuzorwa namabasa etende rokusanga;
25
asi kana vasvika makore ana makumi mashanu vanofanira kurega basa iri; havachafaniri kubata;
26
asi vangabatsirana havo nehama dzavo patende rokusangana, kuti varichengete, asi ngavarege kubata basa. Ndizvo zvaunofanira kuitira vaRevhi pamusoro pamabasa avo.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36