bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 10
Numbers 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati.
2
“Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.
3
Kana vachidziridza ungano yose inofanira kuungana kwauri pamukova wetende rokusangana.
4
Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezviuru zvavaIsiraeri vanofanira kuungana kwauri.
5
Kana muchiridzisa, mapoka okurutivi rwamabvazuva anofanira kusimuka, vafambe.
6
Kana muchiridzisa rwechipiri mapoka okurutivi rwezasi anofanira kusimuka, vafambe; vanofanira kuridzisa kana vofamba nzendo.
7
Asi kana ungano ichifanira kuunganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa.
8
Vanakomana vaAroni, vapristi, ndivo vanofanira kuridza hwamanda; ngazvive tsika kwamuri nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
9
Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu.
10
Uye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa napakutanga kwemwedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa, napamusoro pezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, kuti Jehovha akurangarirei nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.”
11
Zvino negore rechipiri, nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri romwedzi, gore rakasimudzwa pamusoro petabhenakeri yechipupuriro.
12
Ipapo vana vaIsiraeri vakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzavo; gore rikandomira murenje reParani.
13
Vakatanga kufamba sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi.
14
Pakutanga mureza weboka ravana vaJudha wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
15
Boka rorudzi rwavana vaIsakari rakanga richirairwa naNetaneri, mwanakomana waZuari.
16
Boka rorudzi rwaZebhuruni rakanga richirairwa naEriabhu, mwanakomana waHeroni.
17
Zvino tabhenakeri yakabviswa, vanakomana vaGeshoni navanakomana vaMerari, vatakuri vetabhenakeri, vakasimuka.
18
Zvino mureza weboka raRubheni wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErizuri, mwanakomana waShedheuri.
19
Boka rorudzi rwavana vaSimeoni rakanga richirairwa naSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
20
Boka rorudzi rwavana vaGadhi rakanga richirairwa naEriasafi, mwanakomana waDheueri.
21
Zvino vaKohati vakasimuka, vakatakura imba tsvene; vamwe vakamisa tabhenakeri ivo vachigere kusvika.
22
Zvino mureza weboka ravana vaEfuremu wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErishama, mwanakomana waAmihudhi.
23
Boka rorudzi rwavana vaManase rakanga richirairwa naGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
24
Boka rorudzi rwavana vaBhenjamini rakanga richirairwa naAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.
25
Ipapo mureza weboka ravana vaDhani, ndivo vokupedzisira pamapoka ose, vakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
26
Boka rorudzi rwavana vaAsheri rakanga richirairwa naPagieri, mwanakomana waOkirani.
27
Boka rorudzi rwavana vaNafutari rakanga richirairwa naAhira, mwanakomana waEnani.
28
Ndiko kufamba kwavana vaIsiraeri namapoka avo; vakasimuka.
29
Zvino Mosesi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMosesi, “Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri.”
30
Iye akati kwaari, “Handingaendi, asi ndichaenda hangu kunyika yangu nokuhama dzangu.”
31
Iye akati, “Ndinonyengetera kuti murege henyu kutisiya, zvamunoziva kudzikirwe wamatende edu murenje, muchava meso edu.
32
Kana mukaenda nesu, kana Jehovha akatiitira zvakanaka zvipi nezvipi, tichakuitirai izvozvowo.”
33
Zvino vakasimuka pagomo raJehovha, vakafamba mazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikavatungamirira mazuva matatu, kuvatsvakira pokuzorora.
34
Gore raJehovha rikava pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamisasa.
35
Zvino areka yakati yasimuka, Mosesi akati, “Simukai Jehovha, vavengi venyu ngavaparadzwe; navanokuvengai ngavatize pamberi penyu.”
36
Zvino pakuzorora kwayo, akati, “Dzokai Jehovha, kuzviuru zvine gumi nezviuru zvavaIsiraeri.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36