bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 27
Numbers 27
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
1
Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mosesi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza;
2
vakamira pamberi paMosesi napamberi paEreazari mupristi, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati,
3
“Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana.
4
Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”
5
Mosesi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha.
6
Jehovha akataura naMosesi, akati,
7
“Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo.
8
Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, ‘Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.
9
Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanun’una vake nhaka yake.
10
Kana asina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa vakuru kana vanun’una vababa vake nhaka yake.
11
Kana baba vake vasina vakuru kana vanun’una, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake.’ Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri,” sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
12
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri.
13
Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni;
14
nokuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura.” (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.)
15
Zvino Mosesi akataura naJehovha, akati,
16
“Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi,
17
achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi.”
18
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake.
19
Umuise pamberi paEreazari mupristi, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo.
20
Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana vaIsiraeri imuteerere.
21
Iye anofanira kumira pamberi pomupristi Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose.”
22
Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupristi Ereazari, napamberi peungano yose;
23
akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMosesi.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36