bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 15
Numbers 15
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 16 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,
2
“Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai;
3
kana muchida kugadzirira Jehovha chipiriso pamoto, chipiriso chinopiswa, kana chibayiro, chokupika nacho, kana chokungopa nokuda kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehovha chinonhuwira zvakanaka, chemombe kana chamakwai;
4
zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina nehini yamafuta;
5
unofanira kugadzirawo waini yechipiriso chinodururwa, chechina chehini, pamwechete nechipiriso chinopiswa, kana nechibayiro, pagwayana rimwe nerimwe.
6
Kana riri gondohwe, unofanira kurigadzirira chipiriso choupfu chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechetatu chehini yamafuta;
7
unofanira kupawo chetatu chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
8
Kana uchigadzira nzombe duku kuti chive chipiriso chinopiswa, kana chibayiro chokupika nacho, kana kuti zvive zvipiriso zvokuyananisa nazvo kuna Jehovha;
9
pamwechete nenzombe duku ngaauye nechipiriso choupfu chezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nehafu yehini yamafuta.
10
Unofanira kupawo hafu yehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chipiriso chinoitwa pamoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
11
Ngazviitwe saizvozvo panzombe imwe neimwe, kana gondohwe rimwe nerimwe, kana gwayana rimwe nerimwe, kana mbudzana imwe neimwe.
12
Munofanira kuitira chimwe nechimwe saizvozvo, zvienzane nezvose zvamunogadzira.’
13
Vose vanoberekerwa munyika yenyu vanofanira kuita izvozvo nenzira iyi, kana vachiuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
14
Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.
15
Paungano yenyu panofanira kuva nomutemo mumwe wenyu nowomutorwa agere nemi, uve murayiro usingaperi, kusvikira kumarudzi enyu ose; sezvamakaita imi, ndizvo zvinofanira kuita mutorwa pamberi paJehovha.
16
Munofanira kuva nomurayiro mumwe netsika imwe, imi nomutorwa agere nemi.”
17
Jehovha akataura naMosesi, akati,
18
“Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana muchisvika kunyika kwandinokuisai,
19
kana modya zvokudya zvenyika, munofanira kupa Jehovha chipiriso chinotsaurwa.
20
Pazvitsva zvoupfu hwenyu munofanira kuuya nechingwa chiduku, chive chipiriso chinotsaurwa; sezvamunoita nechipiriso chinotsaurwa cheburiro, munofanira kuchitsaura saizvozvo.
21
Munofanira kupa Jehovha pazvitsva zvoupfu hwenyu chipiriso chinotsaurwa kusvikira kumarudzi enyu ose.’
22
“Kana muchitadza, musingachengeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehovha kuna Mosesi,
23
zvose zvamakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi, kubva pazuva rakatanga kuraira Jehovha, kusvikira kumarudzi enyu ose,
24
zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi.
25
Mupristi anofanira kuyananisira ungano yose yavana vaIsiraeri, vakanganwirwe; nokuti kwaiva kutadza, vakazouya nechipo chavo pamberi paJehovha, chiri chipiriso chinoitirwa Jehovha pamoto, nechipiriso chezvivi pamusoro pokutadza kwavo.
26
Ipapo ungano yose yavana vaIsiraeri ichakanganwirwa, nomutorwa agere pakati pavo; nokuti vanhu vose vakanga vazviita havo nokusaziva.
27
Kana munhu mumwe akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nesheche yembudzi yegore rimwe, chive chipiriso chezvivi.
28
Zvino mupristi anofanira kuyananisira munhu akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akanganwirwe.
29
Munofanira kuva nomurayiro mumwechete pamusoro pomunhu akaita chinhu nokusaziva, kana ari munhu akaberekerwa panyika pakati pavana vaIsiraeri, kana ari mutorwa agere pakati pavo.
30
Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
31
Nokuti akazvidza shoko raJehovha, akaputsa murayiro wake; munhu uyu anofanira kubviswa chose; mhosva yokutadza kwake iri pamusoro pake.”
32
Zvino vana vaIsiraeri vachiri murenje, vakaona munhu achaiunganidza tsotso nomusi weSabata.
33
Avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mosesi naAroni, nokuungano yose.
34
Vakamuisa mutorongo, nokuti kwakanga kusina kurehwa zvaaifanira kuitirwa.
35
Jehovha akati kuna Mosesi, “Munhu uyu, zvirokwazvo, anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwemisasa.”
36
Ipapo ungano yose yakamuisa kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe, akafa; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
37
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
38
“Taura navana vaIsiraeri, uvaraire kuti vazviitire masa pamipendero yenguo dzavo, kusvikira kumarudzi avo ose, vaise paisa rimwe nerimwe pamupendero rwonzi rutema.
39
Chinofanira kuva kwamuri isa ramungasiona, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, kuti muiite; kuti murege kutevera kuda kwomwoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisitevera pakupata kwenyu;
40
kuti murangarire nokuita mirairo yangu yose, nokuva vatsvene kuna Mwari wenyu.
41
Ndini Jehovha wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.”
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36