bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 13
Numbers 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
1
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,
2
“Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo.”
3
Mosesi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri.
4
Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri.
5
Vokurudzi rwaSimeoni, Shafati, mwanakomana waHori.
6
Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune.
7
Vokurudzi rwaIsakari, Igari, mwanakomana waJosefa.
8
Vokurudzi rwaEfuremu, Hoshea, mwanakomana waNuni.
9
Vokurudzi rwaBhenjamini, Paruti, mwanakomana waRafu.
10
Vokurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri, mwanakomana waSodhi.
11
Vokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.
12
Vokurudzi rwaDhani, Amieri, mwanakomana waGemari.
13
Vokurudzi rwaAsheri, Seturi, mwanakomana waMikaeri.
14
Vokurudzi rwaNafutari, Nabhi, mwanakomana vaVhofusi.
15
Vokurudzi rwaGadhi, Geueri, mwanakomana waMaki.
16
Ndiwo mazita avarume vakatumwa naMosesi kundosora nyika. Mosesi akatumidza Hoshea, mwanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.
17
Mosesi akavatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;
18
mundoona nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji;
19
nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare;
20
nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai mwoyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo.” Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.
21
Naizvozvo vakakwira vakandosora nyika, vachibva murenje reZini, kusvikira Rehobhu, pavanopinda Hamati.
22
Vakapinda neZasi, vakasvika Hebhuroni; ipapo pakanga pana Ahimani naSheshai naTarimai, vanakomana vaAnaki. (Pakuvakwa Hebhuroni rakatangira Zoani paIjipiti namakore manomwe.)
23
Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.
24
Nzvimbo iyo vakaitumidza mupata weEshikori nokuda kwesumbu rakatemwapo navana vaIsiraeri.
25
Mazuva ana makumi mana akati apera, vakadzoka pakusora nyika.
26
Vakasvika kuna Mosesi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.
27
Vakamuudza, vakati, “Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.
28
Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.
29
VaAmareki vagere munyika necheZasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJorodhani.”
30
Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMosesi akati, “Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.”
31
Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, “Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba.”
32
Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoisora, vachiti, “Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
33
Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo.”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36