bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Numbers 21
Numbers 21
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
1
Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.
2
Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, “Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose.”
3
Jehovha akateerera izwi ravaIsiraeri, akavapa vaKenani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Homa.
4
Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera mwoyo kwazvo panzira.
5
Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMosesi, vakati, “Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.”
6
Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji vaIsiraeri vakafa.
7
Zvino vanhu vakauya kuna Mosesi, vakati, “Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri.” Mosesi akakumbirira vanhu.
8
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama.”
9
Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama.
10
Vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo paObhoti.
11
Vakabva Obhoti, vakandodzika matende avo paIje‐aBharimi, murenje riri pamberi paMoabhu, kumabvazuva.
12
Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo pamupata weZeredhi.
13
Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo kumhiri kwaArinoni, rwizi rwaiva murenje, rwaibva kunyika yavaAmori; nokuti Arinoni ndiwo muganhu wavaMoabhu, pakati paMoabhu navaAmori.
14
Naizvozvo pabhuku yeHondo dzaJehovha panoti: VaHebhi paSufa, Nemipata yaArinoni,
15
Nemikwidza yemipata Inorerekera kunzvimbo yeAri, Inosendamira pamuganhu waMoabhu.
16
Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mosesi, “Unganidza vanhu, ndichavapa mvura.”
17
Zvino vaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu: Chivhaira, iwe tsime; imi muriimbire;
18
Ndiro tsime rakacherwa namachinda, Rakacherwa navakuru vavanhu Netsvimbo youshe, uye netsvimbo dzavo. Vakabva murenje, vakaenda Matana;
19
vakabva Matana, vakaenda Naharieri; vakabva Naharieri, vakaenda Bhamoti;
20
vakabva Bhamoti, vakaenda kumupata uri kubani raMoabhu, kusvikira kumusoro wegomo rePisiga, rinotarira pasi kurenje.
21
Zvino vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti,
22
“Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako.”
23
Asi Sihoni akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kurenje kundorwa navaIsiraeri, akasvika paJahazi; akarwa navaIsiraeri.
24
Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.
25
Naizvozvo vaIsiraeri vakakunda maguta iwayo ose; vaIsiraeri vakagara mumaguta ose avaAmori, muHeshibhoni napamisha yaro yose.
26
Nokuti Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni, mambo wavaAmori, iye akanga arwa namambo wokutanga waMoabhu, akamutorera nyika yake yose kusvikira paArinoni.
27
Naizvozvo vanotaura neshumo vanoti, “Uyai muHeshibhoni, Guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe;
28
Nokuti moto wakabuda muHeshibhoni, Nomurazvo paguta raSihoni, Ukaparadza Ari waMoabhu, Madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.
29
Une nhamo iwe Moabhu! Mapera imi vanhu veKemoshi; Wakapa Sihoni vanakomana vake vatize, Navanasikana vake vatapwe, Sihoni, mambo wavaAmori.
30
Takavapfura; Heshibhoni rakaparadzwa kusvikira paDhibhoni, Takaparadza kusvikira paNofa, Moto ukasvika paMedhebha.”
31
Naizvozvo vaIsiraeri vakagara munyika yavaAmori.
32
Zvino Mosesi akatuma vanhu kundoshora Jazeri, vakakunda misha yaro, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
33
Ipapo vakadzoka, vakakwira nenzira inoenda Bhashani; zvino Ogi, mambo weBhashani, akauya kuzorwa navo paEdhirei, iye navanhu vake vose.
34
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaoko ako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni.”
35
Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36