bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 10
1 Corinthians 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Hama ndingade kuti muzive kuti madzitateguru edu ose akanga ari pasi pegore. Uye vose vakapfuura nomugungwa.
2
Vose vakabatanidzwa naMosesi nokuombekwa kwavakaitwa mugore nomugungwa.
3
Vose vakadya chokudya chezvomweya; vose vakanwa chokunwa chezvomweya nokuti vakanwa padombo rezvomweya raivatevera.
4
Dombo iroro raiva Kristu.
5
Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo nokuti vakaitwa gatakata kuraiwa murenje.
6
Zvino izvi zvinotiyambira kuti tirege kudokwairira zvakaipa sezvavakaita.
7
Musanamate vamwari vasirivo sezvakaita vamwe vavo. Ndokusaka zvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vachidya nokunwa vakasimuka votamba.”
8
Hatifaniri kuita zvounzenza sezvakaita vamwe vavo pakafa zviuru makumi maviri ane zvitatu pazuva rimwechetero.
9
Hatifaniri kuedza Tenzi sezvakaitwa navamwe vavo vakauraiwa nenyoka.
10
Hamufaniri kunyunyuta sezvakaita vamwe vavo vakaparadzwa noMuparadzi.
11
Izvi zvakaitika kwavari seyambiro asi zvakanyorerwa kuti zvitidzidzise isu tiri panguva yamagumo apasi.
12
Naizvozvo munhu wose anofunga kuti akamira ngaazvingwarire nokuti angadaro akaputsika.
13
Hamuna kumbova nechiedzo chisina kumbowira vamwe. Mwari akatendeka. Haakuregei muchiedzwa zvinopfuura simba renyu. Pamwe nechiedzo anopawo nzira yokupukunyuka nayo kuti ukwanise kuchirwisa.
14
Naizvozvo, hama dzangu, siyanai nokunamata vamwari vasivo.
15
Ini ndiri kutaura kuvanhu vanonzwisisa zvionereiwo pachenyu zvandiri kutaura.
16
Mukombe wokutenda watinokomborera hakusi kunwidzana ropa raKristu here. Ko chingwa chatinomedura hakusi kudyidzana muviri waKristu here?
17
Pamusana pokuti pane chingwa chimwechete, isu takawanda kudai, tiri muviri mumwechete nokuti tinodya chingwa chimwechete.
18
Tarisai muone vaIsiraeri kuti, savanhu vaya vanodya chibayiro havasikubatana here paatari?
19
Ko zvino ndiri kurevei nazvo? Ndiri kureva kuti chokudya chakapirwa kunavamwari vasivo chinhu chinebasa here? Kana kuti mwari asiriye chinhu here?
20
Kwete, zvandiri kureva ndezvizvi zvokuti zvavanopira vanopira kumweya yakaipa kwete kuna Mwari. Ini handidi kuti mudyidzane nemweya yakaipa.
21
Hamunganwi mukombe waTenzi nomukombe wemweya yakaipa. Hamugoni kudya patafura yaTenzi muchizondodyirawo patafura yemweya yakaipa.
22
Asi tinoda kudenha shanje dzaTenzi here? Takasimba kupinda iye here?
23
Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinovaka.
24
Munhu ngaarege kufunga zvinobatsira iye pachake chete asi ngaafunge zvinobatsira mumwe wake.
25
Unogona kudya nyama iri yose inotengeswa pamusika usingabvunzi chinhu kuitira hana yako.
26
Chikonzero chacho ndechokuti nyika ndeyaTenzi nazvose zvirimo mairi.
27
Kana mumwe munhu asiri mutendi akakukoka kundodya iwe uchikwanisa kuenda, idya chose chaanokupa usina kubvunza kuitira hana yako.
28
Asi mumwe munhu akati kwauri ichi chakapirwa sechibayiro, pakadaro apo, pamusana pomunhu akutaurira, uye kuitirawo hana,
29
ndinoreva hana yake kwete yako, rega kuchidya. Ungati, “Rusununguko rwangu rwatadziswa kusvika parunoda here pamusana pehana yomumwe?
30
Ko kana ndichitenda Mwari pakudya ndinopirwei mhosva chokudya chandinodya ndatenda?”
31
Nokudaro kunyange ukadya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, zviite zvose kurumbidza Mwari.
32
Asi usakanganise vaJudha kana vaGiriki kana Sangano raMwari.
33
Sezvandinoita ini kuedza kufadza vanhu vose muna zvose zvandaiita ndisingazviitire ini asi kubatsira voruzhinji kuti vaponeswe.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16