bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 14
1 Corinthians 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Rudo ngaruve ndicho chinangwa chenyu muvavarire kwazvo kuwana zvipo zvomweya zvikuru kuti muporofite.
2
Chikonzero chacho ndechokuti anotaura norurimi rusingazivikanwi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari nokuti hapana anomunzwisisa asi anotaura zvakavandika muna Mweya.
3
Asi uyo anoporofita anotaura kuvanhu zvinovavaka nokuvakurudzira nokuvanyaradza.
4
Anotaura norurimi rusingaziikanwi anozvisimbisa iye pachake asi uyo anoporofita anosimbisa sangano.
5
Zvino ndingade zvangu kuti mose mutaure nendimi asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kupinda anotaura nendimi dzisingazivikanwi kusatoti mumwe achiturikira kuti sangano risimbiswe.
6
Ko zvino, nhai hama dzangu, ini ndingakubatsirei sei kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi dzisingazikanwi kusatoti ndakuunzirai zvakanga zvakavandika kana kuti ruzivo kana kuti zvakaporofitwa kana chidzidziso.
7
Kunyange zvinhu zvokuimbisa zvisina upenyu senyere kana dimbwa kana zvisingasiyanisi maungira azvinoburitsa munhu angazive sei rumbo rwuri kuimbwa?
8
Kana hwamanda ikarira asi kurira kwayo kusina zvakunoreva kuvanhu ndiani angagadzirire kundorwa?
9
Ndizvo zvimwechetezvo nemi kana mukataura nendimi dzisingazivikanwi, kozvino munhu angazive sei zvinotaurwa? Munenge muchitotaura kumhepo zvenyu.
10
Ichokwadi kuti kune mitauro mizhinji yakasiyana — siyana pasi pano asi hapana usina zvaunoreva.
11
Asi kana ndisingazivi zvinoreva mutauro iwoyo ndichava wechirudzi kumutauri uye mutauri achava wechirudziwo kwandiri.
12
Ndizvo zvimwechete nemi, zvamunodisisa kuona zvinhu zvinoratidza kuti Mweya Mutsvene aripo, vavarirai kuvaka sangano.
13
Naizvozvo anotaura nendimi dzisingazivikanwi ngaanamate kuti apiwe simba rokuturikira
14
nokuti kana ndichinamata norurimi rusingazivikanwi, mweya wangu unonamata, asi pfungwa dzangu hadziwane muchero mazviri.
15
Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu,
16
nokuti ukatenda nemweya ko munhu asina kuzvidzidza angati, “Ameni” sei kumunamato wako wokutenda iye asingazivi zvauri kutaura?
17
Unogona kutenda zvakanakisisa zvako asi mumwe wako asina chaanobatsirwa nacho.
18
Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzisingazivikanwi kupfuura imi mose.
19
Asi musangano ndingatoda kutaura mazwi mashanu ndichishandisa pfungwa dzangu kuti ndidzidzise vamwe pane kutaura mazwi zviuru gumi mururimi rusingazivikanwi.
20
Hama dzangu musaite savana vaduku mukufunga kwenyu. Asi pakuita zvakaipa ivai zvenyu savana vaduku, asi pakufunga ivai vanhu vabve zero.
21
Zvakanyorwa mubhuku romutemo zvichinzi; “Nomuvanhu vendimi dzisingazivikanwi uye nemiromo yeve chirudzi, ndichataura kuvanhu ava. Kunyange ipapo havambonditeerera,” ndizvo zvinotaura Tenzi.
22
Nokudaro ndimi dzisingazivikanwi hachisi chiratidzo chavatendi asi chavasiri vatendi. Kuporofita hakusi kwavasingatendi asi kwavatendi.
23
Dai kuri kuti sangano rose rinoungana vagotaura vose nendimi dzisingazivikanwi; vasina kuzvidzidzira kana vasiri vatendi vakapindamo, havazoti muri kupenga here?
24
Asi kana vose vachiporofita, asingatendi kana asina kudzidzira akapindamo anobva abaiwa mwoyo navose achibvuma mhosva dzake.
25
Zvakavandika zviri mumwoyo make zvinobuda pachena naizvozvo anowira pasi nouso achinamata Mwari achitaura pachena kuti Mwari ari pakati penyu.
26
Ko zvino poitwa sei hama? Pamunoungana, mumwe anenge ane rwiyo, mumwe ane chidzidzo, mumwewo ane zvaakaoneswa, nomumwewo anenge achitaura rurimi rusingazivikanwi kana kududzira, zvose ngazviitwe kuti zvivake sangano.
27
Kana pane vanotaura nendimi dzisingazivikanwi, ngavave vaviri chete kana kuti vatatu vachiravana. Kana vatowandisa ngavave vatatu, uye vachipana nguva, mumwe achiturikira.
28
Kana pasina anoturikira, vose ngavanyarare musangano, munhu achizvitaurira iye pachake uye achitaura kuna Mwari.
29
Vaporofita ngavataure vaviri kana vatatu. Vamwe vachiongorora zvinotaurwa.
30
Kana mumwe agere pasi akawana zvaanoratidzwa, wokutanga ngaanyarare
31
nokuti munokwanisa mose kuporofita muchitevedzana kuti vose vawane chavanodzidza; uye vose vakurudzirwe.
32
Muporofita anofanira kuzvibata nemweya waanenge anawo pakuporofita,
33
nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare somumasangano ose avatsvene.
34
Vakadzi ngavanyarare mumasangano nokuti havabvumirwi kutaura asi vanofanira kuzviisa pasi sokutaura kunoita mutemo.
35
Kana pane chavanoda kuziva ngavabvunze varume vavo kumba, nokuti chinhu chinonyadzisa kuti mukadzi ataure musangano.
36
Ko kutaura here ikoko? Ko iro shoko raMwari rakabva kwamuri here? Rakangosvika kwamuri moga here?
37
Kana kune mumwe anofunga kuti muporofita kana kuti munhu wezvemweya, anofanira kuona kuti zvandiri kukunyorerai mutemo waTenzi.
38
Kana munhu asingagamuchiri izvi naiyewo haagamuchirwi.
39
Naizvozvo hama dzangu vavarirai kuporofita musarambidze kutaura nendimi dzisingazivikanwi.
40
Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo kwawo zvakarongwawo zvakanaka.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16