bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 4
1 Corinthians 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Saizvozvo munhu ngaatitore savaranda vaKristu, vatariri vezvakavanzika zvaMwari.
2
Vataririwo vanotarisirwa kuti vave vanhu vakatendeka.
3
Kwandiri ini chinhu chidukuduku kuti nditongwe nemi kana kutongwa nedare ripi zvaro ravanhu. Hapana chandinozvipa mhosva nacho.
4
Hapana chandinonzwa chinondirovesa hana asi hazvirevi kuti handina mhosva. Anogona kunditonga chete ndiTenzi.
5
Nokudaro regai kupa munhu mhosva nguva isati yasvika, Tenzi vasati vauya. Ndivo vachaburitsa pachena zvinhu zvakavandika murima iye zvino uye vachaburitsa pachena zvinangwa zviri mumwoyo. Ipapo munhu wose achapiwa kurumbidzwa kwake naMwari.
6
Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo.
7
Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo?
8
Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi.
9
Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu.
10
Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa.
11
Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha.
12
Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira.
13
Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu azvose.
14
Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei asi kuti ndikutsiurei savana vangu vapamwoyo,
15
nokuti kunyange muna vadzidzisi vakazanirana munaKristu asi hamuna vanababa vakawanda. Ini ndakava baba venyu muna Kristu nokuda kweShoko Rakanaka.
16
Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti munditevedzere.
17
Pamusana paizvozvo ndiri kukutumirai Timoti, mwana wangu wapamwoyo wakatendeka muna Tenzi kuti akuyeuchidzei mugariro wangu muna Kristu sokuvadzidzisa kwandinoita kose kose musangano rimwe nerimwe.
18
Vamwe venyu vavakuzvitutumadza sokunge ndisisauyeko kwamuri.
19
Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Mwari achida, ndipo pandichanzwa kwete zvinotaurwa navanhu vanozvikudza ava asi kuti ndichaona simba ravanaro,
20
nokuti umambo hwaMwari hakusi kungotaura chete asi kuti isimba.
21
Munodei imi? Ndokuvingai neshamhu here kana kuti mwoyo worudo uno unyoro?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16