bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 9
1 Corinthians 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
1
Handisi munhu akasununguka here? Handisi mupositori here? Handina kuona Jesu Kristu Tenzi wedu here? Imi hamusi muchero webasa rangu here muna Tenzi?
2
Kana ndisiri mupositori kuna vamwe asi kwamuri ndiri mupositori nokuti imi ndimi chokuratidza nacho kuti ndiri mupositori muna Tenzi.
3
Izvi ndizvo zvandingazvidzivirire nazvo kana vanhu vavakunditsoropodza.
4
Hatina mvumo here nechokudya chedu nechokunwa chedu?
5
Hatina mvumo here yokuperekedzwa nomukadzi hama savamwe vapositori kana vakomanavanun'una vaTenzi uye Kefasi
6
kana kuti ini naBhanabhasi chete ndisu tisina mvumo yokurega kushandira chokutiraramisa?
7
Ndoupi murwi wehondo anoita basa rake romuhondo iye achizviriritira. Ndiani anosima munda wamagirepisi asingadyi muchero wawo? Ndiani anofudza zvipfuo asingadyi mukaka wazvo?
8
Ko izvi ndiri kungotaura zvokungotaurawo somunhu here? Mutemo haudarowo here?
9
Ndinodaro nokuti zvakanyorwa mumutemo waMosesi zvichinzi, “Usaise dhonza matomu kana richitsokodzera mbeswa.” Mwari anongova nehanya namadhonza chete here?
10
Haasi kungotaura nezvedu chete here? Zvakanyorerwa isu nokuti murimi anofanira kurima nechitarisiro nomupuri anopura nechitarisiro chokuwana chaanowana pane zvaanokohwa.
11
Zvino kana takadyara zvinhu zvakanaka zvomweya pakati penyu kungave kunyanyisa here tikakohwa zvimwe zvinhu zvenyu?
12
Kana vamwe vane mvumo iyoyo pamuri ko isu hatina mvumo iyoyo kutovapfuura here? Zvakadaro zvazvo isu hatina kushandisa mvumo yedu iyoyo. Tinotirira zvose panze pokuisa chipingidzo munzira yeShoko Rakanaka raKristu.
13
Hamuzivi here kuti vanoshanda muTemberi vanowana chokudya chavo kubva muTemberi. Vanoshandawo paatari vanowana mugove wavo pazvibayiro zvinopirwa izvozvo.
14
Saizvozvowo Tenzi akati vanoparidza Shoko Rakanaka vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva kuShoko Rakanaka.
15
Asi ini handina kushandisa mvumo yezvinhu zvose izvozvo. Uye handisi kunyorera kuti ndizviwanire izvozvo. Ini ndingatosarudza kufa pano kuti munhu anditorere chinondipa chacho kuzvirova dundundu.
16
Nokuti kana ndikaparidza Shoko Rakanaka hazvisiri izvo zvinondipa kuti ndizvirove dundundu nokuti ibasa randinofanira kuita. Hameno zvangu kana ndikarega kuparidza Shoko Rakanaka!
17
Dai kuri kuti ndinoita izvi nokuda kwangu ndingadai ndiine mubayiro asi kana kusiri kuda kwangu ndinongoriitawo sebasa randakapiwa. Ko zvino mubayiro wangu ndeweiko?
18
Ndouya wokuti ndiparidze Shoko Rakanaka pasina muripo, ndisingagamuchiri zvandinokodzera pamusana pokuparidza Shoko Rakanaka.
19
Kunyange ndisiri muranda waani zvake, ndakazviita muranda wavose kuti ndiwane vakawanda.
20
KuvaJudha ndakazviita somuJudha kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomutemo ndakazviita sendiri pasiwo pomutemo kunyange zvazvo ndakanga ndisiri pasi pomutemo kuti ndiwane vakanga vari pasi pomutemo.
21
Kuna vari kunze komutemo ndakaita sendiri kunze komutemo asi kwete somunhu ari kunze komutemo kuna Mwari asi ndiri pasi pomutemo waKristu kuti ndiwane vari kunze komutemo.
22
Kuna vasina simba ndakava munhu asina simba kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kuna vose kuti napose pandinogona, ndinunure vamwe vavo.
23
Zvose izvozvo ndinozviitira Shoko Rakanaka kuti ndigowanawo zvandinowana muzvikomborero zvaro.
24
Hamuzivisu kuti pamakundano okumhanya vamhanyi vose vanokwikwidzana asi mumwechete ndiye anowana mubayiro? Saizvozvo mhanyai kuti muuwane.
25
Mumhanyi wose anozvibata muna zvose. Vanozviita kuti vawane ndaza inoparara asi isu tinozviitira ndaza isingaparari.
26
Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo.
27
Ndinorova muviri wangu ndichiutonga ndichiitira kuti ndirege kuraswa, ini ndakamboparidzira vamwe.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16