bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 2
1 Corinthians 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Kunyange ini pandakauya kwamuri hama dzangu, handina kuuya ndichikuparidzai chakavandika chaMwari ndichishandisa mazwi akadzama kana oungwaru hunoshamisa.
2
Zvandaiva pakati penyu, hapana chandakada kunzi ndinoziva, kunze kwaJesu Kristu uye iye akarovererwa pamuchinjikwa.
3
Pandaiva nemi ndakanga ndisina kusimba ndichitya ndichidedera.
4
Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisiri zvokupwisa vanhu namazwi oungwaru asi kuratidza Mweya nesimba
5
kuti musimboti wechitendero chenyu urege kuva ungwaru hwavanhu asi simba raMwari.
6
Zvakadaro zvazvo, kune vabve zero, tinopa shoko roungwaru. Asi hausi ungwaru hwapanyika pano kana hwavatongi vapasi pano vari pedyo nokupfuura.
7
Tinoparidza chakavandika uye ungwaru hwaMwari hwakavandika hwakatemwa naMwari pasi pasati pavapo kuti tizopenyeswa.
8
Hapana vatongi vapasi pano vakazviziva nokuti dai vakazviziva vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Tenzi wembiri.
9
Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvinonzi, “Mwari zvaakagadzirira vanomuda hapana ziso rati razviona kana nzeve yati yazvinzwa kana munhu ati ambozviisa mupfungwa.
10
Izvozvo ndizvo zvaakatizivisa nokuna Mweya, nokuti Mweya anotsvagurudza zvose kunyange zvinhu zvoudzamu hwaMwari.
11
Ndiani angazive zviri mupfungwa dzomunhu kusiya mweya womunhu iyeyo uri maari. Saizvozvowo hapana angazive pfungwa dzaMwari kusiya Mweya waMwari.
12
Zvino hatina kugamuchira mweya wapanyika asi Mweya anobva kuna Mwari kuti tizive zvipo zvatinopiwa pachena naMwari.”
13
Hatitauri izvi namazwi atinodzidziswa noungwaru hwavanhu asi atinodzidziswa naMweya tichitsanangura zvinhu zvechokwadi zvomweya kuna avo vana Mweya.
14
Munhu asina Mweya haakwanisi kugamuchira zvipo zvaMweya Mutsvene waMwari nokuti ndezvoupenzi kwaari, uye haagoni kuzvinzwisisa nokuti zvinogona kunzwisiswa nomunhu ana Mweya.
15
Munhu anaMweya anogona kunzwisisa zvose sezvazviri asi iye hapana anogona kumunzwisisa zvaari.
16
Sokutaura kunoita Magwaro Matsvene anoti, “Ndiani angazive pfungwa dzaTenzi zvokuti angamudzidzise? Asi isu pfungwa dzaKristu tinadzo.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16