bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 8
1 Corinthians 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
1
Panyaya yechokudya chakapirwa kuna vamwari vasirivo tinoziva kuti tose tine ruzivo nazvo. Ruzivo runotutumadza munhu asi rudo ndirwo runovaka munhu.
2
Kana munhu achiti ndinoziva, haazivi sokuziva kwaanofanira kuita.
3
Asi kana munhu achida Mwari, anozivikanwawo naye.
4
Saizvozvo pane zvechokudya chakapirwa kunavamwari vasirivo, tinoziva kuti pasi pano chinonzi mwari asiri iye hakuna uye kuti hakuna mumwe mwari kusiya mumwechete.
5
Kunyange variko zvavo vanonzi vamwari kudenga kana panyika varikowo zvechokwadi vanonzi vamwari vakawanda navanonzi vanatenzi vakawanda.
6
Asi kwatiri isu, kunongova naMwari mumwechete Baba kwakabva zvinhu zvose. Ndiyewo watakasikirwa naTenzi mumwechete Jesu Kristu. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari iye kana iyesu takasikwa nemaari.
7
Asi havasi vose vano ruzivo irworwo asi vamwe nokutojairirana navamwari vasirivo, vanodya chokudya ichocho sokunge chakapirwa zvechokwadi kunamwari asiriye. Zvino pamusana pehana dzavo nhete vanobva vasvibiswa.
8
Asi chokudya hachisvitsi munhu pedyo naMwari. Hapana chatinorasikirwa nacho kana tikarega zvedu kudya uyewo hapana chatinowana kana tikadya.
9
Asi chenjerai kuti rusununguko rwenyu irworwo rurege kuva chigumburo kuna vasina kusimba.
10
Ndinodaro nokuti munhu akakuona iwe uno ruzivo uri pakudya mutemberi yavamwari vasiri ivo haazokurudzirwa here kana ari uya wehana nhete kuti adye chokudya chakapirwa kuna vamwari vasiri ivo?
11
Saizvozvo noruzivo rwako, munhu uyu wehana nhete anoparadzwa, hama yakatofirwa naKristu.
12
Nezvo nokutadzira hama dzako kudaro uchikuvadza hana dzadzo kana dziri nhete uri kutotadzira Kristu.
13
Naizvozvo kana chokudya chichikonzera kuti hama yangu iputsike handimbofa ndakadya nyama kuti ndirege kukonzera hama yangu kuputsika.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16