bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 5
1 Corinthians 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Ndiri kunzwa zvechokwadi kuti pakati penyu pari kuitwa unzenza husingatombowanikwi kunyange pakati pavasiri vanamati. Pano murume ari kutorana nomudzimai wababa vake.
2
Asi imi motozvikudza imi, musingatozvichema kuti munhu akaita izvi abviswe pakati penyu.
3
Ichokwadi zvazvo kuti handiko ikoko asi mwoyo wangu uri ikoko, sokunge ndiri ikoko. Munhu akaita izvozvo ndatomubata nemhosva,
4
muzita raTenzi Jesu. Pamunenge maungana ndinemiwo mupfungwa dzangu. Nesimba raTenzi wedu Jesu
5
munofanira kuturira munhu iyeyo kuna Satani kuti muviri wake uparadzwe kuti mweya wake uponeswe nezuva raTenzi Jesu.
6
Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose?
7
Bvisai mbiriso yakare kuti muve mukanyiwa mutsva. Izvo zviri izvowo chaizvo zvamuri zvokuti hamuna kufutiswa nokuti Kristu hwayana yedu yePasika yakaitwa chibayiro.
8
Naizvozvo ngatichengetei zuva guru kwete nembiriso yakare, mbiriso yokuipa mwoyo nezviito zvakaipa asi kuva nechingwa chisina mbiriso chokuva pachokwadi uye chine chokwadi.
9
Ndakambokunyorerai mutsamba yangu ndichiti musafambidzane navanhu vounzenza.
10
Hatisi kureva vounzenza vose vose vapanyika kana vanoruchiva namakororo kana vanonamata zvinhu zvisiri Mwari nokuti mungatofanira kubva pasi pano.
11
Asiwo zvandakakunyorerai ndezvokuti murege kufambidzana nani zvake anodaidzwa kunzi hama muna Kristu kana ane mhosva younzenza kana yoruchiva kana kuti munamati wezvisiri Mwari kana munyombi kana chidhakwa kana gororo kana kumbodya nomunhu akadaro.
12
Handinei nokutonga varikunze. Handiti vari musangano ndivo chete vamunotonga.
13
Mwari ndiye anotonga vari kunze. Dzingai munhu uyo akaipa pakati penyu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16