bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 15
1 Corinthians 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Hama dzangu ndingade kukuyeuchidzai Shoko Rakanaka randakakuparidzai ramakagamuchirawo ramumire naro
2
rinokuponesai kana mukaribatisisa; kusatoti makatenda mariri pasina.
3
Ndakakugamuchidzai sechinhu chikuru kwazvo chokutanga chandakanga ndakagamuchirawo chokuti Kristu akafira zvitadzo zvedu sokutaura kunoita Magwaro Matsvene,
4
uye kuti akavigwa akamutswa nezuva retatu sokutaura kwamagwaro matsvene,
5
uye kuti akazviratidza kuna Kefasi ndokuzozviratidzawo kuna vane gumi navairi.
6
Akazozviratidza kune vehama vanopfuura mazana mashanu panguva imwecheteyo. Vazhinji vavo vachiri vapenyu kunyange zvazvo vamwe vakafa.
7
Akazozviratidza kuna Jemusi ndokuzotevera kuvapositori vose.
8
Pokupedzisira, sokune munhu akazvarwa nguva yake isati yasvika akazviratidzawo kwandiri.
9
Chikonzero chacho ndechokuti ini ndiri wokupedzisira kuvapositori, ndisingakodzeri kudaidzwa kunzi mupositori nokuti ndakashusha sangano raMwari.
10
Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri. Nyasha dzake kwandiri hadzina kushaya basa. Zvakatoitika ndezvokuti ndakashanda zvakaomarara kupinda vose. Kunyange zvazvo ndakanga ndisirini asi nyasha dzaMwari mandiri.
11
Hazvina mhosva kuti ndivo here kana kuti ini, zvatinoparidza ndizvozvo uye ndizvo zvamakatenda.
12
Ko zvino kana Kristu achiparidzwa kuti akamutswa kuvafi, ko vamwe venyu vangati hakuna zvokumuka kwavakafa sei?
13
Zvino kana pasina zvokumuka kwavakafa saka Kristu haana kumutswa.
14
Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo uye chitendero chenyu hachina basa.
15
Isu tinobva taonekwa kuti tiri kurevera Mwari nhema nokuti takapupurira Mwari kuti akamutsa Kristu waasina kumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havamutswi.
16
Chiripo ndechokuti, kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa.
17
Kana Kristu asina kumutswa, chitendero chenyu hachina basa uye muchiri muzvitadzo zvenyu.
18
Naizvozvowo avo vakafa muna Kristu vakatsakatika.
19
Muna Kristu kana tariro yedu ichingova mune zvoupenyu huno chete, pavanhu vose, ndisu vanhu vanonzwisa urombo zvikuru kwazvo.
20
Asi chokwadi ndechokuti Kristu akamutswa kuvafi semichero yokutanga yaavo varere.
21
Sokuuya kwakaita rufu nokumunhu mumwechete nokumunhu mumwechetewo kwakauya kumuka kwavakafa.
22
Sokufa kunoita vanhu vose muna Adhamu, saizvozvowo muna Kristu vanhu vose vanomutswa.
23
Asi mumwe nomumwe achamuka pachijanha chake, Kristu ari iye muchero wokutanga; kozoti, pakuuya kwake, vanhu vanenge vari vanhu vaKristu.
24
Ndipo panozouya magumo panenge Kristu oturira umambo kuna Mwari Baba apedza kuparadza mweya mikuru mikuru youshe neyoukuru neyavanamasimba.
25
Nokuti Kristu anofanira kutonga kusvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.
26
Muvengi wokupedzisa anofanira kuparadzwa, rufu.
27
Nokuti zvinonzi, “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Zvino kana zvichinzi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti hazvibatanidziri naiye, Mwari akaisa zvinhu zvose pasi pake.
28
Kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake nezvo Mwanakomana pachakewo achava pasi pouyo akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari ave Mwari wazvose muna zvose.
29
Ko kana zvisiri izvo vanoombekerwa vakafa vanenge vachifungei kana vakafa vasingambomutswi? Vanoombekerwei panzvimbo pavo?
30
Ko chatinogarira munhamo nguva dzose chiiko?
31
Hama dzangu ndinopika nemi vandinodada navo muna Kristu Jesu Tenzi wedu kuti kufa ndokwangu zuva nezuva.
32
Kana vakafa vasingamutswi muvafi, ini somunhu ndinowanei nokurwisana kwandakaita nezvikara kuEfesusi. Zviri nani kuti titi, “Ngatidyei tinwe zvedu nokuti mangwana tichafa.”
33
Musanyengedzwe zvenyu, shamwari dzakaipa dzinoparadza hunhu.
34
Nyatsofungai, musiyane nezvitadzo nokuti vamwe havazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyare.
35
Asi mumwe angabvunze kuti, “Ko ivo vakafa vanomutswa sei? Vanenge vano muviri wakaita sei?”
36
Benzi romunhu! Chaunodyara hachimeri kana chisina kutombofa.
37
Chaunodyara, ingave tsanga yekoroni kana chimwe chakadaro hachisicho chinozobuda chakadaro
38
asi Mwari ndiye anochipa chimiro chacho pamadiro ake.
39
Nyama haina kufanana yose yose. Pane nyama yavanhu nenyama yemhuka nenyamawo yeshiri neimwe yehove.
40
Kune zvinhu zvomudenga nezvinhu zvapanyika. Kupenya kwezvokudenga kwakasiyana nokupenya kwezvapasi.
41
Kune kupenya kwezuva nokupenya kwomwedzi. Kuno kupenya kwenyenyedzi. Nyenyedzi dzinosiyana pakupenya kwadzo.
42
Ndizvo zvimwechetezvo nokumuka kwavakafa. Chinodyarwa chinoparara asi chinomutswa hachiparari.
43
Chinodyarwa mukuzvidzwa asi chichimutswa chava kupenya; chinodyarwa muutera asi chichimutswa chava nesimba.
44
Chinodyarwa somuviri unobatika asi chinomutswa chava muviri womweya.
45
Zvino kana pano muviri unobatika kuno muviriwo womweya. Ndizvo zvakanyorwa zvichinzi munhu wokutanga, Adhamu akava chinhu chipenyu; Adhamu wokupedzisa akava mweya unopa upenyu.
46
Asi hausi womweya unotanga asi unobatika kozoteverwa nowomweya.
47
Munhu wokutanga akabva kuvhu, munhu wevhu. Munhu wechipiri anobva kudenga.
48
Vanhu vehuruva vakafanana nomunhu uya wevhu, saizvozvowo vanhu vokudenga vakafanana nomunhu wokudenga.
49
Sokutodzana kwatakaita nomunhu wehuruva tichatodzanawo noMunhu wokudenga.
50
Ndinokutaurirai izvi, hama dzangu, zvokuti, chakaitwa nenyama neropa hachikwanisi kuwana umambo hwaMwari uye chinofa hachigoni kuwana kusafa.
51
Chinzwai ndava kukutaurirai, chinhu chakavandika chisingatsananguriki chokuti, hatisi kuzofa tose asi tose tichasandurwa,
52
nenguva isipi, nokubwaira kweziso chaiko pakurira kwehwamanda yokupedzisira. Hwamanda icharira, vakafa vachamutswa vasisafi, isu tobva tasandurwa;
53
nokuti muviri unofa uyu unofanira kupfeka kusaora uye muviri uyu unofa unofanira kupfeka kusafa.
54
Kana muviri unoora wapfeka kusaora uye muviri unofa wapfeka kusafa ndipo pachazoitika zviya zvakanyorwa zvinoti;
55
Rufu rwakamedzwa nokukurirwa kwarwakaitwa Nhai rufu kukurira kwako kuripi? Iwe rufu rumborera rwako ruripi?
56
Rumborera rwerufu chitadzo. Simbawo rechitadzo mutemo.
57
Mwari ngaatendwe anoita kuti tikunde nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu.
58
Naizvozvo, hama dzangu dzadiwa, rambai makasimba musingatsukutsiki musingasiyani kwazvo nebasa raTenzi tichiziva kuti muna Tenzi basa renyu harishai maturo.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16