bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 3
1 Corinthians 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Kana iniwo, hama dzangu, handina kukwanisa kutaura kwamuri savanhu vana Mweya asi savanhu venyama uye savacheche muna Kristu.
2
Ndakakurerai nomukaka kwete nesadza nokuti makanga musati mokwanisana naro. Nyangwe nazvino wose hamusati mokwanisana naro.
3
Chikonzero ndechokuti muchiri vanhu venyama, nokuti kana pachine shanje nokukakavadzana pakati penyu, hamusi vanhu venyama here muchizvibata savanhuwo zvavo?
4
Ko kana munhu achiti ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi hamusati muchingova vanhu chete here?
5
Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo.
6
Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza asi Mwari ndiye akaita kuti zvikure.
7
Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure.
8
Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari.
9
Imi muri munda waMwari, imba yaMwari.
10
Nenyasha dzandakapiwa naMwari ndakavaka hwaro somuzivi chaiye wokuvaka. Mumwe ndiye ari kuvaka pasoro pahwo. Munhu wose ngaatozvingwarira kuti anovaka sei pahuri.
11
Hakuna humwe hwaro hunogona kuvakwa nomunhu kusiya hwakavakwa ihwohwo. Hwaro hwacho ndiJesu Kristu.
12
Zvino mumwe anogona kuvaka hwaro ihwohwo nendarama, mumwe nesirivha mumwe namatombo anokosha mumwewo namapango mumwe nouswa mumwe namashanga.
13
Basa romumwe nomumwe richaratidzwa pachena zvariri nokuti Zuva iroro richazviburitsa pachena nokuti basa romunhu richaoneswa zvariri nomoto. Moto ndiwo uchaedza basa romunhu nomunhu kuti akariita sei.
14
Kana basa rokuvaka rakaitwa nomunhu pahwaro huya rikagona kuramba riripo, munhu iyeyo achawana mubayiro.
15
Asi basa romunhu rikatsva, acharasikirwa. Iye pachake achaponeswa zvake asi somunhu akapunyuka nomumoto.
16
Handiti munoziva kuti muri Temberi yaMwari here uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?
17
Nezvo ani naani anoparadza Temberi yaMwari, Mwari achamuparadza nokuti Temberi yaMwari inoera. Temberi yacho ndimi.
18
Munhu ngaarege zvake kuzvinyengedza. Kana pano mumwe pakati penyu anozviti ndakachenjera panyika pano ngaatozviita sebenzi zvake kuti ave mungwaru.
19
Ndinodaro nokuti, ungwaru hwapasi pano, kuna mwari hupenzi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Anokachikira wakangwara muhumenemene hwavo ihwohwo.
20
Napamwezve panoti Tenzi anoziva kuti pfungwa dzavangwaru hadzina maturo
21
Saizvozvo munhu ngaarege kuzvirumbidza nomunhu nokuti zvinhu zvose ndezvenyu.
22
Angave Pauro kana Aporosi kana Kefasi; ingave nyika kana upenyu kana rufu, ingave nguva ino, kana yamangwana, zvose ndezvenyu;
23
Imiwo muri vanhu vaKristu Kristu ndewaMwari.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16