bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 11
1 Corinthians 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Nditevedzerei sokutevedzerawo kwandinoita Kristu.
2
Ndinokurumbidzai nokundiyeuka kwenyu muna zvose uye nokuchengeta kwenyu magamuchidzanwa sokukudzidzisai kwandakaita.
3
Asi ndinoda kuti muzive kuti Kristu ndiye musoro womurume oga oga, murumewo ndiye musoro womukadzi wake, Mwari ari iye musoro waKristu.
4
Saka murume anonamata kana kuporofita akafukidza musoro anozvishoresa musoro wake.
5
Asi mukadzi wose anonamata kana kuporofita asina kufukidza musoro anozvishoresa musoro wake. Zvakangofanana nokunge akaveurwa musoro wose.
6
Kana mukadzi asingazvifukidzi musoro ngaaveure vhudzi rake. Zvino kana zviri zvakafumuka kuti mukadzi aguswe kana kuveurwa, ngaazvifukidze musoro nevhoiri.
7
Murume haafaniri kuzvifukidza musoro nokuti iye mufananidzo nembiri yaMwari. Asi mukadzi imbiri yomurume,
8
nokuti murume haana kuitwa achibva pamukadzi asi mukadzi akaitwa achibva pamurume.
9
Uye murume haana kusikirwa mukadzi asi mukadzi akasikirwa murume.
10
Pamusana paizvozvo mukadzi anofanira kuva nevhoiri mumusoro pamusana pavatumwa.
11
Zvakadaro zvazvo, muna Tenzi, mukadzi haagoni kuvapo pasina murume, murumewo haagoni kuvapo pasina mukadzi.
12
Sokuitwa kwakaitwa mukadzi achibva kumurume saizvozvowo murume anoberekwa nomukadzi. Asi vose vanobva kuna Mwari.
13
Munozvionawo sei, zvinokodzera here kuti mukadzi anamate kuna Mwari asina kufukidza musoro?
14
Ko iwo masikirwo akaitwa zvinhu pachawo haakudzidzisei here kuti, zvokuti murume achengete vhudzi refu, hazvimupi chimiro
15
asi mukadzi akachengeta vhudzi refu ndizvo zvinotomudadisa nokuti akapiwa vhudzi rakareba kuti chive chokuzvifukidza nacho.
16
Kana pane wenharo ndezvake; asi isu kana masangano aMwari hapana imwe tsika yatinoziva.
17
Pane zvandavakukudzidzisai iye zvino handikurumbidzei nokuti pamunoungana hapana chakanaka asi zvakaipa zvoga zvoga.
18
Ndinodaro nokuti, chokutanga, kana maungana sesangano ndinonzwa kuti pano kukamukana kuita mapato mapato pakati penyu. Ndingangozvibvuma izvozvo,
19
nokuti mapato anofanira kuvapo kuti vakatendeka pakati penyu vaonekwe.
20
Kana pamunoungana hachisi chirariro chaTenzi chamunodya, nokuti pamunenge mava kudya mumwe nomumwe anozvidyira chokudya chake.
21
Mumwe anenge ane nzara asi mumwe akadhakwa.
22
Ndochii ichocho; hamuna dzimba dzokudyira nokunwira kana kuti kushora sangano raMwari here kana kuti kuda kudukupisa vasina chavanacho? Ndoti kudiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Kwete handingakurumbidzei.
23
Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa,
24
akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo.
25
Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke.
26
Nokuti panguva dzose dzamunodya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu munoparidza rufu rwaTenzi kusvikira auya.
27
Naizvozvo, ani naani anodya chingwa ichi nokunwa mukombe waTenzi asingakodzeri achapara mhosva yokun'oresa muviri neropa raTenzi.
28
Saka munhu ngaatange azviongorora ndokuzoti odya chingwa ichocho nokunwa mukombe iwoyo.
29
Nokuti aninani anodya nokunwa asinganyatsoziva kuti muviri anozvidyira nokuzvinwira kutongwa.
30
Ndizvo zvinopa vamwe venyu kuva vanhu vasina simba uye vanorwara; vamwe vakatofa.
31
Asi tikanyatsozviongorora hatizotongwa.
32
Isu tinotongwa nokurangwa naTenzi kuti tirege kuzonzi tine mhosva pamwechete nenyika.
33
Naizvozvo hama dzangu kana moungana kuzodya, miriranai.
34
Kana pane anonzwa nzara ngaadyire kumusha kuti murege kuzopiwa mhosva pamunoungana. Zvimwe zvasara izvi ndichazvigadzira ndauyako.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16