bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 16
1 Corinthians 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Panyaya yezvipo zvinounganidzirwa vanhu vaMwari, sezvandakaudza masangano okuGaratia kuti aite, itaiwo saizvozvo.
2
Pamusi weSvondo, svondo rimwe nerimwe munhu oga oga ngaaise zvinhu parutivi azvichengete maererano nokuwana kwake kuti zvirege kuzounganidzwa ndatouya.
3
Pandinosvikako ndichatumira vanhu vamunenge manditumira netsamba vachitakura zvipo zvenyu ndichienda nazvo kuJerusaremu.
4
Kana zvichidikanwa kuti ini ndiendewo vachandiperekedza.
5
Ndichakushanyirai ndambopfuura nokuMasedhonia nokuti ndinoda kupfuura nokuMasedhonia.
6
Pamwe ndichagara nemi kana kutopedza nguva yechando ndiinemi. Imi mozondibatsirawo kuenderera mberi nerwendo rwangu kose kwandinenge ndichienda.
7
Handisi kuda kukuonai zvokungokunyepudzai chete. Ndinotarisira kuva nemi kwechinguva kana Tenzi achida.
8
Ndichagara kuEfesusi kusvika paPendekositi
9
nokuti ndanyatsozarurirwa mukova webasa rakanakisisa asi kune vavengi vakawanda.
10
Kana Timoti auya itomugadzanisai hana pakati penyu nokuti ari kuita basa raTenzi sezvandiri kuita.
11
Ngaparege kuva nomunhu anomushora. Muperekedzei aite rwendo rwake norugare kuti adzokere kwandiri nokuti ndinomutarisira kuno pamwe nevehama.
12
Panyaya yezvaAporosi, hama yedu, ndakamukumbirisa kwazvo kuti azokushanyirai pamwechete navamwe vehama asi chakanga chisiri chido chake kuti auye iye zvino. Achauya kana awana mukana.
13
Rindirai, makasimba nacho chitendero, ivai nechivindi makagwinya.
14
Zvose zvamunoita zviitei norudo.
15
Ndinokukurudzirai hama dzangu, sezvamunoziva kuti mhuri yokwaStefanasi ndiyo yakatanga kupinduka muAkaya vakazvipira kushandira vanhu vaMwari
16
kuzviisa pasi pavanhu vakadaro napasi pavavo vanobatsirana navo navashandi.
17
Ndinofara nokuuya kwaStefanasi naFotunatusi naAkayakusi nokuti vakakutsivai pamakanga musipo.
18
Vakandipa kufefeterwa mwoyo kunyange nemiwo. Remekedzai vanhu vakadaro.
19
Masangano okuAsia anokukwazisai. Akwira naPrisika neSangano rinopindira pamba pavo vanokukwazisai zvikuru muna Tenzi.
20
Vehama vose vanokukwazisai. Kwazisanai muchiomberana zvakarurama.
21
Iniwo Pauro ndinokukwazisai ndichitonyorawo noruoko rwangu.
22
Kana pane asina rudo naTenzi ngaave norushambwa. Tenzi wedu uyai.
23
Nyasha dzaTenzi Jesu ngadzive nemi.
24
Ini ndinokudai mose muna Kristu Jesu. Ameni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16