bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Corinthians 13
1 Corinthians 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
1
Kunyange zvangu ndikataura nendimi dzavanhu kana dzavatumwa asi ini ndisina rudo ndinongova dare rinorira kana makwakwakwa esimbi anorira.
2
Kunyange ndiine chipo chokuporofita ndichinzwisisa zvakavandika zvose, ndiine ruzivo rwose; kunyange dai ndiine chitendero chakaperera chinosudurudza makomo asi ndisina rudo hapana zvandiri.
3
Kunyange dai ndikagovera zvose zvandinazvo uye kunyange ndikapa muviri wangu kuti upiswe asi ndisina rudo hapana chandinowana.
4
Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa; rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi.
5
Haruiti zvisina hunhu. Rudo harungongwarira zvarwo bedzi; rudo harungoshatirwa shatirwa nhando, haruna pfundepfunde.
6
Rudo harufariri zvisakarurama asi runofarira zviri pachokwadi.
7
Rudo runotakura zvose. Runoramba ruine chitendero. Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo runotirira zvose.
8
Rudo harumboperi. Kuporofita kuchapera; kutaura nendimi kuchaguma. Ruzivo ruchapfuura,
9
nokuti ruzivo rwedu haruna kuzara. Kuporofita kwedu hakuna kuzara.
10
Zvino kana chakazara chouya, chisina kuzara chiya chinobva chapera basa.
11
Pandakanga ndichiri mwana muduku ndaitaura somwana muduku; ndaifunga somwana mudiki ndairangarira somwana muduku asi pandakazova murume mukuru ndakakanda pasi zvohwana huduku.
12
Pari zvino tinoona muchiringiriro zvamadzerere. Asi mune ramangwana tichaonanazve uso nouso. Iye zvino ndinoziva zvishoma asi mune ramangwana ndichanyatsoziva sokunyatsozivikanwa kwandakaitwa.
13
Saka chitendero nechitarisiro norudo zviripo zviri zvitatu, asi chikuru chazvo rudo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16