bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 10
1 Corinthians 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, uye kuti vose vakayambuka gungwa;
2
vose vakabhabhatidzwa munaMozisi mugore nomugungwa;
3
vose vakadya zvokudya zvimwe zomweya;
4
vose vakamwa zvokumwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu.
5
Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje.
6
Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo.
7
imwi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi pakudya nokumwa, vakasimuka kuti vatambe.
8
Zvino ngatirege kuita vupombwe, savamwe vavo vakaita vupombwe, vakafa nezuva rimwe venezvuru zvinamakumi maviri nezvitatu.
9
Ngatirege kuidza Kristu, savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.
10
Murege kun'un'una savamwe vavo vakan'un'una, vakaparadzwa nomuparadzi.
11
Zvino, zvinhu izvi zvose zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.
12
Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.
13
Hakunomuidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuvura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaivo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.
14
Naizvozvo, vadikamwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
15
Ndinotaura sokuna vakachenjera; fungai zvandinotaura.
16
Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here?
17
Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
18
Tarirai vaIsraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?
19
Zvino ndotiyiko? Kuti chakabayirwa chifananidzo chinhu here? kana chifananidzo chinhu here?
20
Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayirwi Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa.
21
Hamungamwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa.
22
Ko tinoda kumutsa godo raShe here? Tinomukunda nesimba here?
23
Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.
24
Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.
25
Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana;
26
nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo.
27
Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana.
28
Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa zvifananidzo, regai kudya nokuda kwaiye wakakuratidzai, uye nokuda kwehana;
29
handirevi hana yako, asi yomumwe;nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe?
30
Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?
31
Naizvozvo, kana muchidya, kana muchimwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe.
32
Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari.
33
Senivo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16